Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaMpofu naVaMatema Okonzera Mutauro paNyaya yeGukurahundi


VaObert Mpofu veZanu PF.
VaObert Mpofu veZanu PF.

Vamwe vanhu vachema-chema zvikuru pamusangano wanga wakarongwa nekomisheni inoona nezverunyararo vachiti mamwe mashoko ari kutaurwa nevamwe vakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF anoita kuti veruzhinji vasave nechivimbo chekuti hurumende yakazvipira zvizere kugadzirisa zvizere nyaya yeGukurahundi.

Kuchema-chema uku kwabuda pamusangano waitwa muBulawayo nhasi pakati peboka reNational Peace and Reconciliation Commission, NPRC, nevemamwe masangano akazvimirira ega pamwe nevamwe vanhuwo zvavo kusanganisira vakabatwa neGukurahundi.

Mumwe mururme angozvidoma nezita rekuti Ndlovu ndemumwe abudisa kutsutsumwa uku.

VaNdlovu, avo vati vaive musoja mushure mekunge nyika ichangowana kuzvitonga, vati vakapambwa vakashungurudzwa nemamwewo masoja kwemavhiki maviri vachinzi vaida kupandukira hurumende.

VaNdlovu vaudza Studio 7 kuti maonero avo ndeekuti kunyange hazvo veNPRC vachida kuita basa ravo nemazvo, matauriro evamwe vakuru vakuru vehurumende pamwe nebato reZanu PF, anokonzera kuti vanhu vashaye chivimbo muboka iri.

Munguva pfupi yapfuura, munyori wezvekufambiswa kwemamabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vakabuda mumapepanhau vachiti mutungamirri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havana chikonzero chekukumbira ruregerero panyaya yeGukurahundi.

VaHenry Dube vatiwo maitiro akaita seaVaMpofu anoita kuti vanhu vafunge kuti hurumende hairevesi panyaya yekugadziriswa kweGukurahundi.

Vamwewo vange vari pamusangano uyu varatidza kusafara kwavo nekwavati kunonoka kuita basa rinotarisirwa neveruzhinnji kuti vaite kuri kuitwa neveNPRC.

Mumwe wevapinda mumusangano uyu, Amai Jane Mlalazi, vati panguva yeGukurahundi, munin’ina wavo aive nemakore gumi nemaviri, akabatwa chibharo nemasoja ehurumende akaita pamuviri akazofa mushure memakore mashoma shoma.

Vatiwo sekuru vavo vakarohwa vakapambwa uye kusvika nanhasi, havazive kuti varipi.

Amai Mlalazi vati shuviro yavo ndeyekuti vanhu vakauraiwa vakavigwa vakawanda munzvimbo dzakasiyana-siyana dzakaita seBhalagwe kuKezi, kuMatabeleland South, vavigwe patsva, uye kuti vana vavakasiya vawane magwaro ekuzvarwa nekukasika.

Komishina neNPRC, Amai Netty Musanhu, vabvuma kuti mashoko anotaurwa nevamwe vakuru vakuru anogona kukanganisa chimiro cheNPRC uye kuita kuti vanhu vashaye chivimbo nehurumende.

Vatiwo komishini yavo ichagara pasi nevakuru vakuru vehurumende ichivakomekedza kuti vasaite kana kutaura zvinogona kukanganisa basa ravo.

Pamaonero evamwe ekuti komishini yavo inenge iri kuita zvinhu muchihwande-hwande, Amai Musanhi vati chirongwa chavange vachiita chekusangana nemadzimai change chichiitwa kure kwenzeve nemaziso everuzhinji kusanganisira kurambidza vatapi venhau kupinda mumisangano iyi senzira yekuti madzimai aya ataure akasununguka pazvose zvakaitika kwavari.

Amai Musanhu vati veruzhinji vanofanirwa kuve nemoyo murefu kuitira kuti NPRC ikwanise kuita basa rayo nemazvo vachiti kana vakaita zvavanotarisirwa kuita nechimbi-chimbi, vanogona kumedza kutsenga kuchada.

VeNPRC vange vachiita misangano nevamwe vemasangano anoshanda akazvimirira pamwe nevanhu vakasiyan-siyana mumatunhu eMatebeleland senzira yekunzwa kuti vanoda kuti nyaya yeGukurahundi ibatwe sei.

Vanotarisirwa kuitwa mimwe misangano yakadai mudunhu reMidlands.

Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vakafa munguva yeGukurahundi mumatunhu eMatabeleland neMidlands.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG