Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Vanoudzwa Kushupika Kuri Kuita Madzimai Akarwira Rusununguko rweNyika


Amai Auxillia Mnangagwa
Amai Auxillia Mnangagwa

Mamwe madzimai aive varwiri vehondo yerusununguko anoti ave kuomerwa nehupenyu sezvo mari yemudyandigere yaari kupihwa, isingachakwane kuti vawane zvinhu zvinodiwa mukurarama zuva nezuva.

Izvi zvabuda pamusangano wavaitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa muBulawayo.

Madzimai aya audza Amai Mnangagwa kuti vanowana mazana maviri emadhora pamwedzi semudyandigere vakati mari iyi hapana zvaichakwana.

Amai Elizabeth Sibanda vati murume wavo akasungwa panguva yehondo asi akafa asina chaakawana vakatiwo ivo pachavo vaive chimbwido asi pari zvino vanorarama hupenyu hwehwakumukwaku.

Amai Mnangagwa vabvuma kuti zvinhu munyika pari zvino zvakaoma vakatiwo vanoziva kuti shirikadzi dzevarume vakarwa muhondo dzinosangana nematambudziko akawanda kusanganisira kuti vanogona kutorerwa midziyo yavakasiirwa zvichibva nekumatare edzimhosva.

Asi Amai Mnangagwa vapa kurudziro yekuti vanhukadzi vatsvage rubatsiro kumapazi ehurumende akaita seWomen’s Affairs uyewo vaite mabasa emaoko vari muzvikwata nezvikwata kuitira kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.

Amai Mnangagwa vakurudzirawo vanhukadzi kuti vafarire kupinda muzvinzvimbo zvehutungamiri muzvikamu zvakasiyana-siyana kusanganisira mune zvematongerwo enyika. Vati madzimai haafanirwe kuodzwa moyo nezvimhingamupinyi zvavanosangana nazvo mukuedza kuita izvi vachiti kuve nemadzimai akawanda muzvinzvimbo zvehutungamiri kunobatsira kusimudzira nyika.

Amai Mnangagwa vapa zvipo zvakasiyana-siyana zvinosanganisira michina yekusona iyo vati ichapiwa kuzvikwata zvemadzimai kuburikidza nehofisi yegurukota redunhu reBulawayo.

Muzvare Ambukai Mashamba vati vanoona chipo ichi chichigona kushandura hupenyu hwemamwe madzimai.

Amai Mnangagwa vatorawo mukana wekukurudzira vanhukadzi kuti vatsigire hurongwa huchaitwa musi wa25 mwedzi uno hwekuratidzira senzira yekushora zvirango zvavati zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru pamwe nemamwe makambani ehurumende nenyika dzekumadokero. Vati zvirango izvi zviri kukanganisa magariro everuzhinji munyika.

Asi vamwe varwiri vekodzero dzevanhu vanoti hazvizi zvirango zviri kuita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika, asi kutadza kutungamira kwebato reZanu PF pamwe nehuori huri mumapazi ose ehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG