Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeGukurahundi Yosvibisa Nhoroondo yaVaMugabe


Zimbabwe Army - Gukurahundi
Zimbabwe Army - Gukurahundi

Vanhu muBulawayo vatambira kufa kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemaonero akasiyana-siyana vamwe vachivarumbidza segamba chairo mukurwira rusununguko rwevanhu asi vamwe vachiti nyaya yeGukurahundi nehutongi hwehudzvinyiriri zvinoita kuti nhoroondo yavo isvibe.

Mumwe aive murwiri wehondo yerusununguko muZIPRA, Retired Colonel Baster Magwizi, vati haizi tsika yechivanhu kupembera kana munhu afa. Vati kufa kwaVaMugabe kunonyanya kuvarwadza zvikuru nekuda kwekuti vafa vasina kutongwa panyaya dzavo dzekuurayisa vanhu panguva yeGukurahundi.

VaMagwizi vati kufa kwaVaMugabe hakufanirwi kureva kuti nyaya yeGukurahundi haichataurwi nezvayo kana kugadziriswa.

Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reBulawayo, VaSwithern Chiroodza, vatsinhirawo kuti mumatunhu eMatabeleland kunyanya, nyaya yeGukurahundi ndiyo inorangarirwa nevakawanda panhoroondo yehutongi hwaVaMugabe.

Mufundisi VaAnglistone Sibanda vati vanochema nemhuri yaVaMugabe pamwe nenyika yose nekufa kwaVaMugabe.

Vati VaMugabe vanogona kuve mumwe wevatungamiri vemuAfrica vakakosha zvikuru pakurwira rusununguko rweveruzhinji asi vatiwo nhoroondo yavo inokanganiswa nehutongi hwavo hwehudzvinyiriri kunyanya kumazuva ekupedzisira.

Mumwe wevechidiki muBulawayo, Bakidzanani Dube, ati mukoma wake akabatwa neGukurahundi zvekuti iye akapedza nguva akabatira VaMugabe chigumbu.

Asi ati akazovanzwira tsitsi akavaregerera pavakabviswa pachigaro nechisimba muna 2017.

Bakidzanani ati anoona VaMugabe segamba.

Mumwewo wechidiki, Muzvare Nomsa Mabhena, vativanorangarira VaMugabe nekuti vakaita zvirongwa zvakawanda zvekubatsira kusimudzira vechidiki vakaita saiye.

Mumwezve wechidiki angozvidoma nezita rekuti Elizabeth ati anoona VaMugabe semunhu aiziva zvaaiita uye akarongeka muhutongi hwavo zvisinei nekuti pane zvimwe zvavakanganisawo semunhu wenyama.

Elizabeth ati panguva yehutongi hwaVaMugabe, mitengo yezvinhu yaisagara ichikwira sezviri kuitika mazuvano, izvo zvatsigirwavo naAmai Rose Nyathi.

Amai Nyathi vati VaMugabe igamba chairo uye vanovayemura nekuti vairamba vakamira nezvavanenge vataura zvisinei nekuti vamwe vanhu vanofungei.

VaMugabe vakashaya nemusi weChina kuSingapore nye hurongwa hwekuvigwa kwavo huchiri kugadziriswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG