Accessibility links

Breaking News

Varwere Voshaya Vanovabatsira Muzvipatara Zvikuru zveHurumende


Mpilo Hospital Outpatients Bulawayo
Mpilo Hospital Outpatients Bulawayo

Zvinhu zvave kuramba zvichiita manyama amire nerongo muzvipatara zvikuru muguta reBulawayo mushure mekunge vana mukoti nevamwe vashandi vemuzvipatara vatangawo kuramwa mabasa senzira yekupa rutsigiro kuna vanachiremba vave nemasvondo maviri vachiramwa mabasa.

Studio 7 payasvika pachipatara cheMpilo Central Hospital yawana panzvimbo dzinorapirwa vanhu vanobva kumba kana kuti Outpatient Department pamwe neCasualty Department paine vanhu vashoma zvikuru.

Vanhu vazoudzwa kunzi vadzokere kudzimba dzavo mushure mekunge vana mukoti nevamwe vashandi vehurumende vaita musangano apo vatora chisungo chekutanga kuramwawo mabasa senzira yekutsigira vana chiremba avo vakatanga kuramwa mabasa masvondo maviri apfuura.

Mumwe murume asina kuda kudomwa nezita ati kubva nemusi weMuvhuro ange achiuya nababa vake kuti vazoongororwa navana chiremba paMpilo asi vasingawane rubatsiro.

Murume uyu ati hurumende inofanirwa kugadzirisa zvichemo zvavana chiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara.

Muzvare Dorcas Mpofu avo vange vaperekedza sekuru vavo kuti vazorapwawo paMpilo vati havachaziva zvekuita vakatsinhirawo kuti dai hurumende yaona zvaingaita.

Mukuru waana chiremba paMpilo Hospital, Dr Solwayo Ngwenya, vati chimwe chikamu chishoma chavanachiremba chakauya kubasa asi vabvuma kuti vana chiremba pamwe nevamwe vashandi vemuzvipatara havazi kufara uye vakawanda vavo havana kuuya kubasa nemusi weChitatu zvekuti zvinhu zvikaramba zvakadaro, hupenyu hweveruzhinji hunenge hwave munjodzi.

Pamashoko ari kubuda mumapepanhau ehurumende ekuti hurumende iri kuunza vana chiremba vemuchiuto muzvipatara, Dr Ngwenya vati havasati vanzwa nezvavo.

Sangano reZimbabwe Nurses Association rakaita musangano nezuro muHarare pamwe nemasangano anomirira vashandi vemuzvipatara, vakatora danho rekutangawo kuramwa mabasa kutanga nhasi.

Mamiriro ezvhinhu paUnited Bulawayo Hospitals ange ari mamwe chete vana chiremba vakawanda vasiri pabasa uye vanoziva zviri kuitika vaudza Studio 7 kuti vana mukoti vakawanda vange vasiri pabasa.

Mumwe murume wechikuru, VaMabuku Ndlovu, avo vange vauya kuti vazoonekwa nachiremba paUBH vati vaudzwa kuti havakwanise kuonekwa nekuti vana chiremba vange vasiri pabasa.

Mukuru wavana chiremba pachipatara ichi, Dr Narcisius Dzvanga, vati havakwanise kutaura nesu sezvo vange vari mumusangano.

Vana chiremba vakawedzera kuramwa kwavo mabasa zvichitevera kupambwa kwakaita Dr Peter Magombeyi avo vange vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG