Accessibility links

Breaking News

Kupesana Kukuru Kwobuda muBulawayo


Tinashe Kambarami
Tinashe Kambarami

Vamwe vagari vamboratidzira muguta reBulawayo senzira yekuratidza kusafara kwavo nekumbomiswa basa kwemunyori wekanzuru, VaChristopher Dube.

Asi meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vange vatosendeka parutivi kumbomiswa basa kwange kwaitwa VaDube vachiti patange paferefetwa mhosva dzavari kupomerwa.

Vagari varatidzira ava vaimba panze peCity Hall kwekanguva vachiratidza kusafara kwavo nekumiswa basa kwaVaDube, asi mushure menguva diki, vanhu ava vazobva panzvimbo iyi apo mapurisa anodzivirira mhirizhonga ange asvika

Asi muchiziviso chanyorwa naChamber Secretary, Amai Sikhangele Zhou, kumakanzura kusanganisira VaTinashe Kambarami, avo vakafanobata chigaro chameya pamwe nekuna ivo VaDube, VaMguni vati VaDube vanofanirwa kudzokera pabasa nekukasika kuitira kuti basa rekanzuru rifambe zvakanaka.

VaKambarami, avo vamhangara kurwiswa kwavaitwa nevanhu vavanoti vatumwa naVaDube, vakange vanyora tsamba neChina kuna VaDube vachivati vambomira basa vachivapomera mhosva yekutadza kuita basa nemazvo kunyanya panyaya yekushaikwa kwemvura.

Asi VaMguni, avo vari kunze kwenyika pari zvino, vati vanoda kuti panyatsonyorwa gwaro rinoratidza mhosva dziri kupomerwa VaDube pozoitwa ongororo izere.

Taedza kunzwa zvizere kubva kuna Amai Zhou asi vanzi vanga vari mumusangano.

Tabatawo gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, asi vati vange vachitopindawo mumusangano wekuti vanzwe pamusoro pedambudziko remvura muBulawayo uyewo nyaya yekumbomiswa basa kwaVaDube.

Mune imwewo nyaya vamwe vatapi venhau vapinda mumusangano wekuzeya kuzvichengetedza kwavanofanirwa kuita kana vachiita mabasa avo ekutapa nhau uyewo kuzeya nezvekuvandudzwa kwemitemo yakasiyana siyana ine chekuita nekutapanhau.

Mumwe mutapiwenhau, Tanaka Mrehwa, audza Studio 7 kuti musangano aona musangano uyu wakakosha zvikuru.

Mumwezve mutapi wenhau, Jeffry Muvundisi, ati musangano uyu wauya panguva yakanaka sezvo pane mashoko anogara achibuda nguva nenguva ekushungurudzwa kwevatapi venhau mubasa ravo.

Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa musangano reMISA Zimbabwe, VaNyasha Nyakunu, vati chinangwa chemusangano uyu change chiri chekubatsira kuyeuchidza vatapi venhau kukosha kwakaita kuti vazvichengetedze uyewo kukurudzira vatapi venhau kuti vave pamberi pekuona kuti mitemo iri kuvandudza inovandudzwa nenzira inochengetedza kodzero dzeveruzhinji.

Hurumende iri mushishi kuvandudza mitemo ine chekuita nekutapwa kwenhau kusanganisira mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act.

Musangano uyu wakarongwa neVeMedia Institute of Southern Africa, Zimbabwe Chapter.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG