Accessibility links

Breaking News

VaMphoko Vanobvisiswa Mari yeChibatiso Kuitira Kuti Vatongwe Vachibva Kumba


VaPhelekezela-Mphoko
VaPhelekezela-Mphoko

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vasungwa ndokumiswa pamberi pedare redzimhosva vachibva vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti mhosva yavasungirwa, itongwe vachibva kumba kwavo.

VaMphoko vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pavamiswa mudare muguta reBulawayo.

VaMphoko vabvisiswa mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora emaRTGS kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa yekushandisa zvisiri pamwero chinzvimbo chavo apo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaMphoko vanonzi vakaita kuti vamwe vakuru vakuru vainge vasungwa, vaburitswe muchitokisi chemapurisa.

VaMphoko vasungwa zviri pamutemo neZimbabwe Anti Corruption Commission, ZACC.

Kunyange hazvo pange pane mashoko ekuti VaMphoko vari kutiza kusungwa, VaMphoko vauya kudare vaine mudzimai wavo, Amai Letitia Mphoko, pamwe nemwanakomana wavo Siqokoqela Mphoko.

Gweta raVaMphoko, VaZibusiso Ncube, vaudza dare kuti havasi kufara nemabatirwo akaitwa VaMphoko nemapurisa akauya pamba pavo achiti aida kuvasunga nemusi weChishanu svondo rapera.

Vati maitiro akadai anotyora kodzero dzavo pamwe nekuda kuvanyadzisa mumaziso everuzhinji, vakakumbira kuti nyaya iyi iongororwe.

VaNcube vaudza Studio 7 kuti VaMphoko vanzi vasiye gwaro ravo rekufambisa mumaoko edare, vamhang’are kumapurisa eCriminal Investigation Department muBulawayo kamwe pasvondo uye kuti vasataure nevafakazi.

Vati vafarawo kuti mutongi wedare abvumirana navo kuti zviri pachena kuti VaMphoko havana kunge vari kutiza kusungwa sezvaitaurwa nemapepanhau ehurumende, uye vanzi vadzoke mudare musi 4 Gunyana.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaThompson Hove, havana kupikisana nekubhadhariswa chibatiso kwaitwa VaMphoko uye vabvumawo kuti vachaita ongororo yakumbirwa negweta ravo.

VaMphoko vari kupomerwa mhosva yekushandisa masimba ehofisi yavo zvisiri izvo panguva yavaive mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wenyika vachinzi vakaita kuti vamwe vakuru vakuru veZimbabwe National Roads Authority vakange vasungwa vabudiswe muhusungwa.

VaMphoko, avo vakasiyiswa basa zvichitevera kubviswa kwakaitwa VaRobert Mugabe pachigaro chemutungamiri wenyika muna Mbudzi 2017, munhu wechipiri ane chiremera kusungwa neZACC zvichitevera kusungwa kwevaimbove gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Priscah Mupfumira, avo vari kupomerwa mhosva yehuori kuNational Social Security Authority, uhwo hunobata mari inodarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora ekuAmerica.

Mune imwewo nyaya, mutauriri webato reMDC muBulawayo, VaSwithern Chiroodza, vanoti bato ravo riri kushushikana nekwavati kushungurudzwa nekupambwa kwedzimwe nhengo dzavo.

VaChiroodza vati nezuro manheru chete pane nhengo dzavo nhatu dzakada kupambwa kusanganisira mutauriri weveboka rechidiki, VaBen Hlatshwayo, uye vamwe vaviri vakapambwa vakarohwa ndokusiiwa vakandwa panzvimbo dzakasiyana siyana kunze kwedhorobha reBulawayo.

VaChiroodza vati vari kumhang’ara kumapurisa asi havazi kugutsikana nebatairwo ari kuitwa nyaya idzi.

Taedza kubata mutauriri wemapurisa muBulawayo, Assistant Inspector Abednico Ncube, asi nharembozha yavo yange isingabatiki.

Mutauriri weboka revechidiki muMDC, VaStephen Chuma, vati zviri kuitika izvi zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Nezuro vamwe vamiriri venyika dzeEuropean Union, Canada, United Kingdom, Australia muZimbabwe vakabudisa mashoko ekushushikana kwavo pamusoro pekwavakati kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Asi hurumende iri kuramba maonero aya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG