Accessibility links

Breaking News

Madzimai Otaura Kubatwa Chibharo Kwaakaitwa Munguva yeGukurahundi


Gukurahundi pic 3

Sangano reNational Peace and Reconciliation Commission, NPRC, rakanzwa nemusi weChitatu zvinhu zvinotyisa pamwe nekubudisa misodzi zvakaitika kune vamwe vanhu vakabatwa neGukurahundi kuKezi kuMatabeleland South.

Mamwe madzimai ekuKezi mudunhu reMatabeleland South nedzimwe nzvimbo dziri pedyo vakawana mukana wekutaura zvakaitika kwavari uye zvavakaona zvichiitika kune vamwe vanhu panguva yeGukurahundi pamusangano wakaitwa neboka reNPRC paMaphisa Growth Point nemusi weChitatu.

Pamusangano uyu, uyo wakaitwa kure kwemeso nenzeve dzeveruzhinji uye vatapi venhau vachirambidzwawo kupinda mauri makomishina eNPRC akanzwa zvinhu zvinotyisa uye zvimwe zvisingataurike pamhepo zvakaitika panguva yeGukurahundi.

Mumwe wemadzimai vakataura pamusangano uyu avo vatisingakwanisi kudoma nezita vakaudza vatapi venhau kuti vaive mhandara panguva yakaitika Gukurahundi munzvimbo yavo yeMadwaleni mugore ra1984.

Vakati rimwe zuva mumwedzi waKukadzi panguva dzemangwanani munzvimbo mavo makabhombwa nemasoja achishandisa chikopokopo vakati mushure menguva, masoja aya akazouya achikokorodza vanhu kubva mumisha yavo.

Vakati pane vanhukadzi vane chitsama kusanganisira ivo, vakarohwa uye kubatwa chibharo ukuwo vamwe varume vane chitsama vakauraiwa musi uyu.

Amai ava vakati vakafara kuti vakawana mukana wekutaura zvinhu zvavange vasingakwanise kutaura kwenguva yakareba.

Mumwe wemakomishina eNPRC, Amai Netty Musanhi, vakabvuma kuti zvimwe zvakabuda mumusangano uyu zvange zvisingagoneki kudzokororwa paruzhinji.

Vakati musangano uyu uri kuitwa mushure memumwe musangano wakadaro wakaitwa kuTsholostho pasi pechirongwa chavanoti Safe spaces for women, icho vanoti chakanangana nekubastira kuti vanhukadzi vataure zvakaitika kwavari vasingatye.

Amai Eunice Nqindi Dube vanove Sadunhu Nqindi pasi paIshe Masuku kuKezi kwekare vakati musangano uyu wabatsira kukura nzira yekuti vanhu vakwanise kupora maronda avainawo nekuda kweGukurahundi vachitiwo zvakakosha kuti avo vane chekuita neGukurahundi, vatambanudze maoko avo vapinde muvanhu vachikupmbira ruregerero kuti pagokwanisa kuve nerunyararo rwechokwadi.

Amai Musanhi vakati chirongwa chekuti zvakaitika panguva yeGukurahundi uye dzimwe nguva dzakaitika mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika zvitaurwe, chakakosha sezvo chichibatsira kugadzirisa kunyunyuta kwevanhu pamusoro penyaya idzi.

Makomishina eNPRC aenderera mberi nekunzwa kubva kuvanhu munzvimbo yeKezi nhasi uye vanotarisirwa kuzoita mimwe misangano yakadai muBulawayo vasati vaenda kudunhu reMidlands.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu, kusanganisira, remakereke reCatholic Commission for Justice and Peace, akaita ongororo munguva yeGukurahundi akabuda negwaro rinoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru makuni maviri vakaurayiwa munguva iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG