Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Dambudziko reMagetsi neMvura


Zimbabwe Electricity Supply Authority
Zimbabwe Electricity Supply Authority

Nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze kuri kuramba kuchiwedzera, Zimbabwe inofanirwa kukoshesa kugadzirwa kwemagetsi kuchishandiswa dzimwe nzira dzisiri dzagara dzichishandiswa.

Kurudziro iyi yabuda pamusangano weWater Sanitation Hygiene and Energy kana kuti WASHen, uyo watanga nhasi muBulawayo.

Mutevedzeri wegurukota remhando dzemoto, Amai Magna Mudyiwa, vati kuti nyika ive yasvika panyika dzinoverengwa sedziri pakati nepakati pekubudirira mugore ra2030, inenge yave kushandisa magetsi anosvika11 500 mega watts.

Amai Mudyiwa vati sezvo pari zvino nyika ichikwanisa kugaya magetsi anosvika 2600 mega watts chete, zvinoreva kuti pane basa guru rinoda kuitwa kuti nyika iwane magetsi akakwana vakakurudzira vemaindasitiri pamwe neveruzhinji kuti vashandise dzimwe mhando dzemoto.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries mudunhu reMatabeleland, VaShepherd Chawira, vabvuma kuti nyika yakatarisana nedambudziko guru munyaya dzekushomeka kwemagetsi nemvura vachiti maindasitiri nemakambani akawanda ari kutatarika nekuda kwedambudziko iri.

Vatiwo pane makambani anoda kusima mari mune zvemagetsi, asi izvi zviri kukundikana nepamusana pehurumende inochinja-chinja mitemo pamadiro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemvura nemhando dzemoto, Engineer Panashe Chakawa, vaudza Studio7 kuti kana kuchitariswa dzimwe mhando dzemoto, Zimbabwe inofanirwa kufungawo nezvemagetsi anobva kuzuva.

VaChakawa vati Zimbabwe inofanirwa kukoshesawo kuve nenzira dzechizvino-zvino dzekuchenesa mvura yemumaguta idzo vati hadzidhure, kuitira kuti mvura iyi painoraswa, isasvibisa nzizi.

Panyaya yedambudziko rekushaikwa kwemvura yakakwana mumaguta akasiyana-siyana munyika, kanzura weHarare, Amai Kudzai Kadzombe, vati hurumende inofanirwa kukoshesa kuvakwa kwemamwe madhamu.

Musangano weWASHen wegore rino ndewe chishanu kubva pakatangwa chirongwa ichi uye uri kuitwa pasi pedingindira rinoti “Developing sustainable solutions to power the future.”

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG