Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti VaKambarami Havakodzeri Kuva Kanzura


Umsekeli kaMayor wakoBulawayo uMnu Tinashe Kambarami
Umsekeli kaMayor wakoBulawayo uMnu Tinashe Kambarami

Mumwe mutongi wedare repamusoro muBulawayo ati mutevedzeri wameya weguta reBulawayo, VaTinashe Kambarami, havakodzeri kuve kanzura sezvo vakapinda pachinzvimbo ichi mushure mekunge vabatwa nemhosva yekuba.

Justice Thompson Mabhikwa vatura mutongo uyu zvichitevera chikumbiro chakaitwa pakupera kwegore rapera naMuzvare Nomalanga Dabengwa nesangano re1893 Mthwakazi Restoration Movement Trust chekuti kusarudzwa kwakaitwa VaTinashe Kambarani sakanzura weWard 3 musarudzo dzegore rapera, kusendekwe parutivi.

Justice Mabhikwa vati zviri pachena kuti VaKambarami vaive vabatwa nemhosva yekuba iyo inoratidza kusavimbika vakati nekudaro havakodzeri kuve nechinzvimbo chehukanzura vachitwo dare haringavhari maziso aro pakadai asi kuti riwone kuti mutemo watevedzerwa.

VaKambarami vakabatwa nemhosva yekuba muna Ndira wegore rakapera vakatongerwa kugara mujeri kwemazuva gumi nemasere kana kubhadhara faindi yemadhora makumi masere.

VaKambarami vakazokwira kudare repamusoro vachipikisa kubatwa kwavo nemhosva mushure mekunge sangano re1893 Mthwakazi Restoration Movement Trust raisa chikumbiro charo chekuti vabviswe pahukanzura, izvo Justice Mabhikwa vati zvinoratidza pachena kuti vange voda kuyedza kuzvidzivirira.

Bumbiro remutemo wenyika rinoti munhu anenge abatwa nemhosva ine chekuita nekusavimbika inenge ichiita kuti agare mujeri kwemwedzi mitanhatu kana kupfuura kana kubvisawo faindi inoenderana nenguva iyi, haafanirwi kupinda pachinzvimbo chehutungamiri.

Gweta raVaKambarami, VaMaqawe Mpofu, varamba kutaura neStudio 7 pamusoro pemutongo uyu.

Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kuna ivo VaKambarami zvichitevera mutongo uyu.

Asi gweta re1893 Mthwakazi Restoration Movement Trust, VaGodfrey Nyoni, vati vafara nemutongo wapiwa nedare.

VaNyoni vati VaKambarami vanogona kupikisa mutongo wapiwa nedare kudare repamusoro-soro.

Imwe nhengo yesangano re1893 Mthwakazi Restoration Movement Trsut, Muzvare Cora Ndebele, vati vafarawo nezvabuda mudare vachiti izvi zvinofanirwa kudzidzisa mapato ezvematongerwo enyika kuti vasarudze vanhu vakavimbika pazvinzvimbo zvekuve vamiririri vevanhu.

Mune imwewo nyaya, dzimwe nhengo dzesangano reMthwakazi Republic Party dzakasungwa nezuro panze pedare repamusoro dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kana kuita ruzha runokanganisa veruzhinji, dzinotarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChishanu.

Gweta VaDumisani Dube vatsinhira zvimwe chetezvo kuStudio7 parunhare.

Mukupeta nyaya dzemuBulawayo, muguta iri mange muine mapurisa akawanda zvikuru munzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira mapurisa ange vari muma water canon.

Vanoziva zviri kuitika vaudza Studio7 kuti kuvepo kwemapurisa aya kwange kuri kugadzirira kuratidzira kwaive kwadeedzerwa nebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa uko kwange kwakanzi kuchaitika mumaguta nemadhorobha akasiyana-siyana kutanga nhasi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG