Accessibility links

Breaking News

Ishe Ndiweni Vanobvisiswa Madhora Mazana Mashanu seChibatiso


Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni
Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga amhanyisana nevanhu panze pedare repamusoro muBulawayo neChitatu masikati apo mumwe mutongi wedare iri abvuma chikumbiro chekuti Ishe Felix Ndiweni vabhadhare mari yechibatiso.

Vamwe vanhu vange vari panze pedare vaimba vachifara mushure mekunge vanzwa kuti mutongi wedare, Justice Thompson Mabhikwa, vange vabvuma chikumbiro cha Ishe Ndiweni chekuti vabhadhare mari yechibatiso.

Justice Mabhikwa vati mushure mekunzwa kubva kugweta raIshe Ndiweni pamwe nemuchuchisi vaona zvakakodzera kuti Ishe Ndiweni vabhadhare mari yechibatiso inoita mazana mashanu emadhora.

Muchuchisi wedare, VaKudakwashe Jaravaza, vange vapikisa kuti Ishe Ndiweni vabvumidzwe kubhadhara mari yechibatiso vachiti sezvo vatove mujeri vanogona kuzotiza kana dare rikati nyaya yavo inzwikwe vachibva kumba.

Asi rimwe remagweta aIshe Ndiweni, Muzvinafundo Welshman Ncube, vati Ishe Ndiweni munhu anoziikanwa uye ane chiremera munzvimbo yavo vakatiwo vanoona chikumbiro chavakakwidza kudare chekuti mutongo wavakapiwa usendekwe parutivi chichibudirira zvekuti Ishe Ndiweni havana chikonzero chekuti vatize.

Justice Mabhikwa vabvumawo kuti havawone chikonzero chekuti Ishe Ndiweni vangatiza kana kuchitariswa kuti vakapedza makore maviri vachiuya kudare pose pavaidiwa apo nyaya yavo yainzwikwa mudare.

Rimwe remagweta aIshe Ndiweni, VaDumisani Dube, vati vafara zvikuru kuti Ishe Ndiweni vabvumidzwa kubhadhara mari yechibatiso.

Ishe Ndiweni vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwegore nemwedzi mitanhatu mushure mekunge vawanikwa nemhosva yekupwanya zvivakwa zvepamusha wemumwe murume wemunzvimbo yavo yeNtabazinduna mudunhu reMatabeleland North.

Vamwe vanhu makumi maviri nevatatu vakabatwawo nemhosva imwe chete naIshe Ndiweni vakanzi vaite community service.

Ishe Ndiweni vari kupikisa mudare repamusoro kuwanikwa kwavo vaine mhosva, uye mutongo wavakapiwa.

Zvichakadaro, mapurisa anodzivirira mhirizhonga ambomhanyisana kwekanguva kadiki nevamwe vevanhu vange vari panze pedare vakamirira kunzwa zvabuda mudare.


Vanoziva zvaitika vaudza Studio7 kuti vanhu vanopfuura vaviviri vasungwa mushure mekunetsana nemapurisa uku.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG