Hurumende yatendera kudzoka kwemutambo wenhabvu kwapera mwedzi gumi mutambo uyu wakapedzisira kutambwa munyika. Asi zvikwata zvenhabvu zvichange zvichitamba zviri muzvikwata zvidiki kana kuti “mini league.”
Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira muchikwata cheCaps United pamwe nechikwata chenyika cheZimbabwe Warriors, Joe Mugabe, anoti hapafanire kuitwa rusarura mukusarudzwa kwevatambi vemaWarriors kana Zimbabwe ichida kuenda kuAfcon ne World Cup 2022.
Hupenyu hwevamwe tambi venhabvu vakawanda vemuZimbabwe vari muSouth Africa hwatarina nerima kwasara mitambo miviri chete kuti makundano eAbsa Premiership asvike kumagumo.
Vatambi venhabvu vemuZimbabwe vapinda mubishi rekuedza kufadza murairidzi wemaWarriors Zdravko Lugorusic vatarisana nekutanga kwemitambo ye2022 Africa Cup of Nations munaMbudzi.
Kwakave nekufara, pamwe nekusuwa kuvatambi venhabvu vemuZimbabwe avo vakaita fararira pasi rese.
Apo makundano eUefa Champions League ava kutsviriridza, kaputeni wemaWarriors Knowledge Musona, apinda mubishi rekuedza kufadza vatsigiri vechikwata chake chitsva apo ari kupinda munhandare nemusi weSvondo.
Trabzonspor inonzi iri kuda zvekare kutenga kana kukukumbira kuti Marvelous Nakamba amboitambira kwechinguva kana kuti loan kubva kuAston Villa.
Vanhu vakawanda munyika havasi kuwirirana panyaya yekuti nhabvu yotanga riini munyika uye sei apo Vanotungamira nhabvu muZimbabwe VeZifa varikusangana neChina kuti vazeye kuti nhabvu yotambwa here, gore rino, kana kuti kwete nekuda kwekurura kwechirwere checoronavirus
Mukuru wavanamazvikota ava, Dr Edward Chagonda, vanoti vaendesa zvavakabuda nazvo kuPremier Soccer League vaine tarisiro yekuti zvikatevedzerwa, mutambo uyu unodzoka zvekare munhandare.
Mutambi weZimbabwe ane mukurumbira Marvelous Nakamba atarisana nemasvondo mashanu akaomesesa muhupenyu hwake munhabvu, panguva iyo Knowledge Musona ari kutsvagawo basa.
Mitambo isina kusangana kwakanyanya yatambidzwa mukana wekudzoka munhandare panguva iyo nyika yakavharwa nemhaka yechirwere cheCovid 19.
Mutambi wetsiva ane mukurumbira Charles Manyuchi anoti atotanga kusimudzira vamwe vatambi vechidiki kuti vatevere tsoka dzake sezvo ave kuronga kuregedza zvemutambo uyu makore matatu anotevera.
Aimbotambira Dynamos Stanley Chirambadare anoti nhabvu yemuZimbabwe yaparadzwa nemakakatanwa asingapere pamwe nehutungamiri husiri hwenhabvu.
Aimbove mubati wepagedhe weCaps United, iyo yakashura mare kuma 80s nekuma 90s, VaStephen Chisango, vanoti nhabvu yemuZimbabwe yauraiwa nemhaka yekuti vatambi vari kuisa mari pamberi kudarika mutambo wacho.
Mutambi wetsiva ane mukurumbira pasi rese, Charles Manyuchi, haasi kuzorora mugadziriro yake yekudzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation kunyange hazvo mutambo uyu wambomiswa nemhaka yechirwere cheCoronavirus.
Hurongwa hwekugadzirisa nhandare yeRufaro Stadium uri kuenderera mberi panguva iyo mabasa akawanda ambomiswa nekutya kupararira kwechirwere checoronavirus.
Kwemakore makumi mana nhabvu yemuZimbabwe yanga ichiramba kuita shanduko ichitanga mitambo muna Kurume kusvika muna Mbudzi kwete kutanga muna Nyamavhuvhu kusvika muna Chivabvu sezvinongoitwawo kune dzimwe nyika pasi rese.
Dziviriro yaCharles Manyuchi yebhande rake reWorld Boxing Federation remiddleweight naMuhammed Sebyala wekuUganda, yamira netambo zvichitevera chisungo chaiswa nehurumende.
Mutambi wetsiva ane mukurumbira Charles Manyuchi avimbisa kupunzira pasi Mohamed Sebyala wekuUganda nekusimbisa chitsidzo chake chekudzokera zvekare kutsiva yepamusoro - soro yeWorld Boxing Council.
Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chiri kupinda mukamba mangwana kutanga gadziriro yacho yemakundano e2020 Africa Nations Championships ayo ari kuitirwa muCameroon kubva musi wa 4 kusvika 25 Kubvumbi.
Rodhai zvimwe