Aimbove mubati wepagedhe weCaps United, iyo yakashura mare kuma 80s nekuma 90s, VaStephen Chisango, vanoti nhabvu yemuZimbabwe yauraiwa nemhaka yekuti vatambi vari kuisa mari pamberi kudarika mutambo wacho.
VaChisango, avo vakabatsira kutora mukombe wePremier League wekutanga weCaps United muna 1979, vanoti nhabvu yashanduka zvikuru nemhaka yekuti vatambi vemazuva ano vave kukudza mari kwete chido chenhabvu sezvaiitwa kare.
VaChisango vakabatira Caps United, iyo yakaita mukurumbira ichidaidzwa kunzi maCup Kings inana Shacky Tauro, Joel Jublilee Shambo, Stix Mtizwa, Stanley Sinyo Ndunduma, Friday Phiri, Charlie Jones, na Tobias Moyo.
VaChisango vanoti iko zvino mutambi asati aibva, anenge atove kumhanyira kuda kunotamba kunze kwenyika kwete zvenhabvu asi kunotsvaga mari
VaChisango vanoti nhabvu yemuZimbabwe inofanira kutanga kubhadhara mari inoonekera kuitira kumisa kuenda kwevatambi vane tarenda kune dzimwe nyika.
VaChisango vanoti matambudziko enhabvu yemunyika awedzerwa nevarairidzi vemazuva ano vakawanda vacho vasina kumbobvira vapinda munhandare kuziva kuti nhabvu inotambwa sei.
Vakambotambira maGreen Machine ava havana mashoko anofadza kuvaridzi vepembe, avo vanoti varasa gwara sezvo vachiisa mari pamberi pebasa ravo.
VaChisango vanoti vanorwadzikana zvikuru nemabatirwo ari kuita vakambotambira zvikwata zvepamusoro avo vari kutonyengerera kuti vabvumirwe kupinda munhandare kuona zvikwata zvavakatambira zvichitamba.
Izvi vanoti hazvisi kuitika kuCaps United chete, asi kune zvinwewo zvikwata zvekare kusanganisira Dynamos.
VaChisango vanoti chishuwiro chavo kuona Zimbabwe ichibudirira kuenda kuWorld Cup.
MaWarriors ari mugungano rimwe chete neGhana, Ethiopia neSouth Africa munzira yekuenda ku2022 World Cup.
Pari zvino, mitambo yese yenhabvu yakambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere checorona virus.
Facebook Forum