Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoenderera Mberi neKugadzirisa Nhandare yeRufaro


Rufaro Stadium
Rufaro Stadium

Hurongwa hwekugadzirisa nhandare yeRufaro Stadium uri kuenderera mberi panguva iyo mabasa akawanda ambomiswa nekutya kupararira kwechirwere checoronavirus.

Vashandi vane chitsama vekanzuru yeHarare havana kumira basa panguva ino yezororo remazuva makumi maviri nerimwe chete yakatarwa nemutungamiri wenyika iyi.

Asi vashandi ava vaparadzirwa kushanda panzvimbo dzakasiyana- siyana kuedza kudzvivirira kupararira kwechirwere chashura mare pasi rese ichi.

Mutauriri weguta reHarare VaMichael Chideme vanoti havana kumisa basa rekugadzirisa Rufaro neGwanzura Stadium asi kuti vakangodzikisa huwandu hwevashandi ava zvichienderana nezvakatarwa nehurumende.

Nhandare yeRufaro pamwe nedzimwewo dzakaita seNational Sports Stadium neGwanzura muHarare dzirikugadziriswa mushure mekuonekwa dzisingakodzere kutambirwa nhabvu yepamusoro nezvikwata zvenyika uye mitambo yePremier Soccer League.

Mutsigiri weDynamos VaOliver Musongoro vanoti nhandare yeRufaro inofanira kupera nechimbi-chimbi kuti vasazonoshandisa musha wevamwe.

Studio Seven yashanya kuRufaro Stadium ndokuona magedhe akavharwa asi muchiratidza kuti mune basa ririkuitwa.

Mumwe mushandi wekanzuru abuda munhandare iyi ataurira nhepfenyuro yeStudio 7 kuti havana kumbobvira vamira basa kubvira musi wa 30 Kurume apo pakatanga lockdown.

Mushandi uyu, uyo aramba kudomwa nezita sezvo asingatenderwe kutaura nevatori venhau ati havasi kushanda vakaungana panzvimbo imwechete asi kuti vamwe nevamwe vane basa ravo ravarikuita.

Mumwe mugari wemuHarare VaTapuwa Jakarasi vanoti vese vari kuenda kumabasa panguva ino vanofanira kuzvidzivirira coronavirus kuti vasazotapurire chirwere ichi kune vamwe

VaChideme vanoti vakaita kuti vashandi ava vauye kubasa nekuti rimwe basa rakatangwa rinofanira kupedziswa richiri nyoro nekuti kusaita izvi kunozoda kutangisa patsva zvekare.

Sekutaura kwavaChideme nhandare dzeRufaro neGwanzura dziri kutarisirwa kuve dzapera kugadziriswa makundano enhabvu emwaka uno asati atanga.

Zvinhu zvikafamba zvakanaka, makwikwi aya ari kutarisirwa kutanga muna Nyamavhuvhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG