Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Zifa Mvumo yeKuparura Mwaka weNhabvu


Dynamos ne Highlanders
Dynamos ne Highlanders

Hurumende yatendera kudzoka kwemutambo wenhabvu kwapera mwedzi gumi mutambo uyu wakapedzisira kutambwa munyika. Asi zvikwata zvenhabvu zvichange zvichitamba zviri muzvikwata zvidiki kana kuti “mini league.”

Mutungamiri weZifa VaFelton Kamambo vakaudza vatori venhau muHarare kuti nhabvu yave kudzoka zvichitevera musangano wavakaita nehurumende vakabatana nePSL.

VaKamambo vanoti chasara kuzivisa hurumende kuti makundano aya achafambiswa sei uye kuti zvikwata zvinoburitswa sei mukupera kwemwaka.

Gurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry vanoti vachiri vakamirira kuona hurongwa hwemitambo kubva kuZifa .

Nhabvu muZimbabwe yaifanira kutanga muna Kurume ndokumiswa nehurumende pamwe nemimwe mitambo kuchityirwa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid 19.

Mumwe mutsigiri wechikwata cheHighlanders VaBrighton Munyuki vanoti vanga vagarisa vasati vaona Bosso ichitamba vachiwedzera ivo kuti vari kutarisira kutora mukombe weligi mwaka uno.

Mumwe muteveri wemutambo uyu VaBatsirai Bepete vanoti vave kuwana kwekuno tandarira vachikurukura nezvekuoma kwaita hupenyu munyika.

Mutevedzeri wemurairidzi weCaps United Stewart Murisa anoti vave kupinda mugadziriro yakasimba vaine tarisiro yekutora mukombe weligi uyo vakapotsa mwaka wapera.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaTatenda Muchena vanoti mitambo iyi inofanira kutambwa muine vanhu nekuti zvikwata zvemuno zvinorarama nemari inobhadharwa pamagedhe.

Kunyange hazvo nhabvu yave kutambwa muAfrica kuEgypt, Morocco, South Africa, Tunisia neTanzania, muZambia zvakakona nemhaka yekuwedzereka kwevatambi vanga vave kubatwa necoronavirus.

Nhabvu muZimbabwe yakapedzisira kutambwa muna Mbudzi gore rapera apo FC Platinum yakatora mukombe weligi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG