Accessibility links

Breaking News

Stanley "Samora Chirambadare" Anoti Kusava neHutungamiri Hunoziva Nhabvu Kwodzesera Nyika Mumashure


Aimbotambira chikwata cheDynamos, Stanley Chirambadare anoti nhabvu yemuZimbabwe yaparadzwa nemakakatanwa asingapere pamwe nehutungamiri husiri hwenhabvu.

Chirambadare akaita mukurumbira achitambira Dynamos iyo yainge iine vatambi vakaita saMoses Chunga, Gift Mpariwa, Edward Katsvere, Angirai Chapo, Max Makanza, Vitalis Takawira, Henri Chari, Peter Fanuel naElvis Chiweshe.

Mutambi uyu uyo aidaidzwa nezita remadunhurirwa rekuti Samora nenyaya yendebvu dzake refu, anoti Zimbabwe ine tarenda rakawandisa asi chinoda kugadziriswa hutungamiri hwemutambo uyu.

Chirambadare anoti humbowo hwekukwanisa kutungamira nhabvu kunge munhu wacho akambopinda munhandare.

Anoti kunyange hazvo Zimbabwe yabudirira kanokwana kana kuenda kuAfrica Cup of Nations, chikwata ichi chinofanira kuve chichitotora mukombe weAfcon wacho kwete kurohwa mugungano rekutanga sezviri kuitika.

Chirambadare anoti zvikwata zvemuno zvaifanira kuve zvakatorawo mukombe weCaf Champions League kare kwete kugumira mumini league stage. Dynamos chete ndiyo yakakwanisa kusvika kumafainari asi ikakundwa.

Samora uyo ane muninina wake Ernest akambotambirawo Blackpool neDynamos anoti nhabvu mune vechidiki yave mamvemve achiwedzera ivo kuti izvi zvinoda kugadziriswa nechimbi-chimbi.

Chirambadare anoti kutambira Dynamos kwakamupa mukurumbira uye ave kushandisa ruzivo rwaakawana kuchikwata ichi kusimudzira vechidiki mumusha wevazhinji weMufakose muHarare umo arikutungamira Revival and Sports Development.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG