Apo makundano eUefa Champions League ava kutsviriridza, kaputeni wemaWarriors, Knowledge Musona, apinda mubishi rekuedza kufadza vatsigiri vechikwata chake chitsva apo ari kupinda munhandare nemusi weSvondo.
Musona ari kupinda mumutambo neClub Brugge achiziva kuti anofanira kuripa chikwereti cheAS Eupen iyo yakamunyurura murutsva apo zvinhu zvaive zvaoma.
Mutambi wemuZimbabwe uyu aive ave munzira kudzoka kuSouth Africa kuzotambira Kaiser Chiefs, kana Mamelodi Sundowns, apo Eupen yakamupa basa rekutamba muJupiter League kwegore rino.
Mitambo nezvikwata zvine mbiri kunge Club Brugge ndizvo zvinoratidza hunyanzvi zvekuti Musona anofanira kutora nguva iyi kuratidza kuti Eupen haisi kutambisa mari yayo kumuchengeta mumba mayo mushure mekurambwa neAnderlecht.
Pari zvino, AS Eupen iri pachinzvimbo chechipfumbamwe mugungano rezvikwata gumi nezvisere.
Zvichakadaro, mitambo yeUefa Champions League yatsvuka ropa paine mutambo mukuru manheru anhasi apo Barcelona yekuSpain iri kusangana neBayern Munich yekuGermany.
Zvikwata zviviri izvi zvine nhoroondo yakasimba mumakwikwi aya zvekuti vamwe vari kutoona mutambo uyu sefainari iyo fainari yacho isati yasvika.
Mitambo yeUefa Champions League neEuropa League inoteverwa zvikuru muZimbabwe kunyanya neavo vanoita zvekubheja nhabvu.
Muteveri weBayern, VaWebster Chimusasa, vanoti paBarca ichabudirira.
Nemusi weMugovera, Man City yekuEngland iri kusangana neLyon yekuFrance mumakota fainari zvekare.
Lyon ndiyo inotambirwa naTino Kadewere, asi Kadewere haana kunyoreswa kutamba mumakundano aya sezvo akaenda kuLyon makwikwi aya atanga.
Kadewere ari mukuchema mushure mekushaikirwa nemukoma wake, Prince, neChitatu.
Mune imwewo nyaya, vanosarudza vabati vepembe havana kucheuka varidzi vepembe vemuZimbabwe apo vasarudza vabati vepembe vachaenda ku2022 World Cup.
VeFifa vatora vabati vepembe vesere vemuAfrica kubva kuEgypt, Ethiopia, Gambia, South Africa, Tunisia, Morocco neDRC, asi havana kutora kana mumwechete wemuZimbabwe.
VaStephen Chisango, avo vakambotambira Caps United, vanoti izvi hazvisi kuvashamisa sezvo kubatwa kwepembe munhabvu muZimbabwe kwadzikira zvinotyisa.
Izvi zvasiyana zvikuru nemakore ekare apo varidzi vepembe vemuno, VaFelix Tangawarima, VaKenny Marange, naVaBrighton Mudzamiri, vaitambidzwa mukana wekubata pembe kumakwikwi enhabvu yemuAfrica
VaMarange naVaMudzamiri vakamboenda kunoridza pembe mumakundano makuru epasi rese eConfederations Cup.
Facebook Forum