Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yotanga Gadziriro yeMitambo yeAfrica Cup of Nations


Knowledge Musona
Knowledge Musona

Vatambi venhabvu vemuZimbabwe vapinda mubishi rekuedza kufadza murairidzi wemaWarriors Zdravko Lugorusic vatarisana nekutanga kwemitambo ye2022 Africa Cup of Nations munaMbudzi.

Zimbabwe iri kutarisirwa kutamba neAleria muna Mbudzi mushure mekunge VeFifa vakazivisa kuti makundano e2022 Africa Cup of Nations achitanga mumwedzi uyu.

Izvi zvapinza vatambi mubishi rekuedza kufadza Lugorudic kuti vapinzwe muchikwata chichakwikwidza mumitambo iyi.

Asi vamwe vatambi vacho ndivo vatanga hondo iyi zvine mutsindo asi vamwe vacho varikutatarika zvinotyisa apo Zimbabwe irikuda zvekare kubudirira kuenda ku2022 World Cup.

Vateveri vema Warriors varikushushikana zvikuru nematambiro arikuita Khama Billiart uyo asina kupedza mutambo weKaiser Chiefs apo yakasangana neStellenbosch neSvondo.

Billiart akabuditswa panguva yezororo remaranjisi nekukundikana apo Kaiser Chiefs yakatatarika ndokuita mangange 1-1 mumutambo uyo Willard Katsande akatamba wese.

Asi David Moyo uyo ari kuScotland Premier League neHamilton akatamba mutambo wese apo vakakunda Motherwell 1-0, achitarisira kuti Lugorusic achamutarisawo pamutambo neAlgeria.

Lugorusic anofanira hake kube aine mufaro kuti Marshall Munetsi kuReims, Knowledge Musona kuAS Eupen, George Chigova kuPolokwane City, Victor Kamhuka kuAyewady, Elvis Chipezeze kuBaroka, naTalent Chawapihwa kuAmazulu vari kuwana nguva yakakwana vari munhandare sezvakaitika mukupera kwesvondo.

Kune vamwewo vakaita saCharlton Mashumba wePolokwane City, Knox Mutizwa kuGolden Arrows, na Terence Dzukamanja kuBidvest avo vakakandira zvikwata zvavo zvibodzwa.

Asi Tino Kadewere uyo anotambira Lyon kuFrance ari kutarisirwa kupinda munhandare neChishanu apo Lyon irikusangana neDijon mumutambo wavo weligi wekutanga mwaka uno. Kadewere ange ari munyika kuzochema mukoma wake Prince akashaya mazuva adarika.

Lugorusic ari kuda kuvaka chikwata chakasimba chinokwanisa kukwikwidza zvine mutsindo munzira yekuenda kumafainari eAfcon neWorld Cup muna 2022.

Zvichakadaro, vamwe vateveri venhabvu muZimbabwe vari murufaro mushure mekunge chikwata chavanofarira cheBayern Munich cheku Germany chatora mukombe weUefa Champions League charova PSG yekuFrance 1-0 neSvondo kuLisbon, Portugal.

Muteveri wemutambo wenhabvu Muzvare Nowelyn Fambisa vanoti vari kufara kuti Bayern yakakunda.

Vamwe vanoita zvekubheja saVaMisheck Purazeni vanoti vari kunyemwerera vakananga kubhanga mushure mekuisa mari yavo paBayern Munich.

Bayern haina kumbobvira yakundwa mumitambo gumi nemumwe yayakatamba muUefa Champions League 1919/1920 kanova kekutanga izvi zvichiitika munhoroondo yemakwikwi aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG