Accessibility links

Breaking News

Charles Manyuchi Osimudzira veChidiki Sezvo Oronga Kusiya zveTsiva


Charles Manyuchi

Mutambi wetsiva ane mukurumbira Charles Manyuchi anoti atotanga kusimudzira vamwe vatambi vechidiki kuti vatevere tsoka dzake sezvo ave kuronga kuregedza zvemutambo uyu makore matatu anotevera.

Manyuchi anoti acharegedza tsiva muna 2023 oisa ruzivo rwake mukusimudzira vechidiki mumutambo uyu.

Mutambi uyu, uyo akambotora bhande reWorld Boxing Council resirivha anoti ane vatambi vakawanda muCharles Manyuchi Academy avo anofunga kuti vanokwanisa kuzotevera mutsoka dzake vakawana rutsigiro rwakakwana.

Parizvino, Manyuchi ari kumusha kwake kuChivhu uko ari kugadzirira kuzodzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation naMohammed Sebyala wekuUganda.

Mutambo uyu wakambomiswa nemhaka yekutya kupararira kwehutachiwona hwecorona virus.

Asi Manyuchi ari kutarisira kuwisira Sebyala pasi apo mutambo uyu uchaitwa.

Mutambi uyu haasati amborohwa nemutambi wemuAfrica kubvira muna 2013 apo akatora mukombe weAfrica Boxing Union achirova Patrice Peko wekuBurkina Faso.

Manyuchi haasati zvekare amborohwa kubvira apo akatanga kurwira muZimbabwe achibva kuZambia uko airwa ari pasi peOriental Boxing Promotions.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG