Accessibility links

Breaking News

Akambotambira Caps United, Joe Mugabe, Okurudzira Kusarurwa kweVatambi vemaWarriors Zvisina Rusarura


Vatambi vechikwata chenhabvu yenyika, chemaWarriors.
Vatambi vechikwata chenhabvu yenyika, chemaWarriors.

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira muchikwata cheCaps United pamwe nechikwata chenyika cheZimbabwe Warriors, Joe Mugabe, anoti hapafanire kuitwa rusarura mukusarudzwa kwevatambi vemaWarriors kana Zimbabwe ichida kuenda kuAfcon ne World Cup 2022.

Mugabe, uyo ave kugara kuUnited Kingdom, anoti muraridzi wemaWarriors anofanira kutarisa vatambi vese veZimbabwe vakati fararira kunyika dzakasiyana-siyana, kwete kungotsvaga avo vakaita mazita kare chete.

Mugabe anoti Zimbabwe ine vatambi vakawandisa vanokwanisa kumirira nyika zvine mutsindo asi havasi kutariswa, achiwedzera kuti Zimbabwe inofanira kusarudza vatambi vari kubaka moto munhandare panguva iyoyo.

Mugabe anoti zviri kuratidza kuti nhabvu yemuZimbabwe iri kukwirira achitarisisa iye huwandu hwevatambi vemuno vave kutambira zvikwata zvine mukurumbira mhiri kwemakungwa.

Marvelous Nakamba ari kutambira Aston Villa muEPL, Tino Kadewere ari kuLyon muFrench Lique 1, Knowledge Musona ari kuAS Eupen kuBelgium kozoti Teenage Hadebe ari munzira kuenda kuTrabozonspor kuTurkey.

Mugabe anoti vatambi ava nevamwe vavo vanofanira kuzvipira kutambira nyika vasingatarise kuti vanotambidzwa marii neveZIFA sezvo munyika muno muine mhamo yemari.

Anoti pari zvino achiri kumbovaka hupenyu hwake ari muEngland asi rimwe gore achadzoka kumusha kuzobatsira kusimudzira nhabvu munyika.

Mugabe anoti haasi kuvimbisa kuti achada kurairidza maWarriors here kana kutungamira ZIFA, asi chaanoziva ndechekuti ane basa raanofanira kuitira nhabvu munyika.

Pari zvino, Mugabe ndiye sachigaro wesangano revakambotambira Caps United, reCaps United Legends, avo vakati wandeyi muEngland.

Panguva yake, Mugabe akatamba nevatambi vakawanda vaive nemukurumbira kusanganisira Joel Shambo, Shacky Tauro, Carlos Max, George Nechironga naBrenna Msiska.

Pari zvino, Mugabe ari mubishi rekunyora bhuku rezvehupenyu hwake munhabvu achibatsirana nemunyori wemuno anogara kuEngland VaAlbert Marufu.

VaMarufu, ndivo zvekare vakanyora bhuku renhoroondo yaMemory Mucherahowa uyo aimbotambira Dynamos.

Joe mwana waAmai Irene Mugabe, avo vaimbove nhengo yeparamende vachimirira Mabvuku/Tafara.

Mutambi uyu nemudzimai wake Jeniffer vane vana vatatu vanoti Irene (30), Ashley (24) naAlvin (22).

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG