Accessibility links

Breaking News

Manyuchi Oenderera Mberi Achigadzirira Kudzivirira Bhande Rake reWBF


Charles Manyuchi Boxer

Mutambi wetsiva ane mukurumbira pasi rese, Charles Manyuchi, haasi kuzorora mugadziriro yake yekudzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation kunyange hazvo mutambo uyu wambomiswa nemhaka yechirwere cheCoronavirus.

Manyuchi anoti haasi kuzorora kusvikira adzivirira bhande rake rehuremu hwe middleweight izvo aifanira kuve akaita musi wa 4 Kubvumbi, asi mutambo uyu ndokumiswa nemhaka yechirwere cheCoronavirus.

Manyuchi anoti ari kugadzirira mutambo uyu ari kumusha kwake kuChivhu uko ari pasi peCharles Manyuchi Academy iyo akatanga kuti asimudzire mutambo wetsiva mune vechidiki.

Mutambi wemuZimbabwe uyu ari kufanira kurwa naMahomed Sebyala wekuUganda achidzivirira bhande reWBF iro akatora mushure mekurova Diego Gallardo wekuArgentina muna Gunyana gore rapera,

Manyuchi ari kuda kuti pachazoitwa mutambo uyu, anenge akagwinya zvekukwanisa kudzivirira bhande iri zvine mutsindo.

Mutambi uyu anoti achawisira pasi Sebyala sezvaakangoitawo vamwe vatambi vakashanya muZimbabwe kusanganisira Gallardo.

Manyuchi haasati amborohwa nemutambi wemuAfrica kubvira muna 2013 apo akatora mukombe weAfrica Boxing Union mushure mekurova Patrice Peko wekuBurkina Faso.

Muongorori we vemutambo, VaKudzai Bere, vanoti Sebyala ari kutevera munzira Diego Gallardo uyo Manyuchi akapunzira pasi munharaunda yechitatu.

Manyuchi haasati zvekare amborohwa kubvira apo akatanga kurwira muZimbabwe achibva kuZambia uko airwa ari pasi peOriental Boxing Promotions.

Mutambo naSebyala ndeweChishanu Manyuchi achirwira muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG