Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobvumidza Mimwe Mitambo Kutanga


Golf

Mitambo isina kusangana kwakanyanya yatambidzwa mukana wekudzoka munhandare panguva iyo nyika yakavharwa nemhaka yechirwere cheCovid 19.

Gwaro rabva kumahofisi egurukota revechidiki, mitambo, netsika, rapa mitambo iyi mukana wekudzoka munhandare mushure mekumbomiswa kwemitambo yose musi wa 23 Kurume nekutyira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus.

Gwaro Iri rinoti mitambo yakaita sekiriketi, tennis, mijaho yemabhiza, kutihwina, kumhanya, negolf, ngayinyore tsamba kuSport and Recreation Commission kuti iongororwe kuti inokodzera here kudzoka munhandare panguva ino.

Mimwe mitambo yapuhwa mukana uyu inosanganisira rowing, polo, darts, archery, kuchovha mabhasikoro, equestrian, lawn bowls, mijaho yemotokari, triathlon, pamwe nefencing.

Sachigaro weZimbabwe Golfers Association VaMufaro Chivonivoni vanoti vatoendesa tsamba yavo kare kuSRC kuti vatenderwe kukwikwidzana zvekare.

VaChivonivoni vanoti vane tarisiro yekuti vachapihwa mukana wekupinda munhandare zvekare sezvo mutambo uyu uchitambwa nemunhu mumwechete anenge akazvimirira.

Muongorori wemutambo wekiriketi VaEnock Muchinjo vanoti hapana chinofanira kutadzisa kiriketi kudzoka sezvo kugumana mumutambo uyu kuri kushoma.

VaMuchinjo vanoti semaonero avo mukana wekutapurirana hutachiona hunenge coronavirus mukiriketi mudiki diki.

VaMuchinjo vanoti kana mitambo yenhabvu ichidzoka kuEurope, chinotadzisa kiriketi kudzokawo chii ?

Mitambo yenhabvu yekuSpain yeLaLiga irikudzoka musi wa 11 Chikumi, ichiteverwa neyekuEngland yeEPL musi wa 17 Chikumi.

Mitambo yeBundesliga kuGermany yakatanga kare musi wa 15 Kurume.

Asi muZimbabwe nhabvu nemimwe mitambo yakaita setsiva, basketball, netball, nemimwewo yakadaro, haisi kudzoka ikozvino.

Asi muongorori wezvemitambo VaJustice Muzanenhamo vanoti nekuwanda kuri kuita vanhu varikubatwa nehutachiona hwecoronavirus, pakanganiswa kuti mimwe mitambo idzoke.

Kune dzimwe nyika, havasi kana kumbotaura nezvekuti mitambo inodzoka rinhi nekutya Covid 19

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG