Accessibility links

Breaking News

Vatambi veNhabvu veZimbabwe Vari muSouth Africa Vane Chitsama Votarisana neKubuda muAbsa Premier League


Hupenyu hwevamwe tambi venhabvu vakawanda vemuZimbabwe vari muSouth Africa hwatarisana nerima kwasara mitambo miviri chete kuti makundano eAbsa Premiership asvike kumagumo.

Zvikwata zvine vatambi vemuZimbabwe vakawanda zviri mukanwa mamupere sezvo zvatarisana nekubuda muAbsa Premiership nekukundikana. Zvikwata zviri kutatarika zvinoti, Polokwane City, Black Leopards, Baroka , nevAmazulu. Izvi zvikaitika, vatambi ava, vanofanira kutsvaga rimwe basa nechimbi chimbi, kana kuzvipira kuenda kuNational First Division, nekuti kudzoka kumba hakukomborere.

Polokwane City iyo inotambirwa naGeorge Chigova, Charlton Mashumba na Walter Musona, yakawira pasi pasi pegungano reAbsa Premiership yaita mangange 0-0 neBloemfontein Celtic nemusi weSvondo.

Polokwane City ine mapoinzi makumi maviri nemashanu, ichiteverwa neBlack Leopards iyo ine mapoinzi makumi maviri nematanhatu.

Vamwe vatambi vari muhondo yekuti varambe vari muPSL ndi Elvis Chipezeze we Baroka pamwe naTalent Chawapihwa, Ovidy Karuru naButholezwe Ncube veAmazulu.

Amazulu neBaroka dzakaenzana pamapoinzi, anova makumi maviri nemasere. Asi dzinokwanisa kudarikwa nePolokwane neLeopards mumitambo miviri yasara.

Baroka yakambozvirerutsira nezuro apo yakaita zvaive zvisingatarisirwe nekurova Mamelodi Sundowns 1-0.

Chipezeze haana kutamba mumutambo uyu nemhaka yemakadhi ake awandisa.

Muteveri wechikwata cheHarare City VaTatenda Mpariwa vanoti vatambi ava vanofanira kurwira basa ravo nekuti hupenyu kuZimbabwe hwakaoma.

Golden Arrows iyo inotambirwa naKnox Mutizwa, Danny Phiri naDivine Lunga yapunyuka murutsva kunyange hazvo yakarohwa 4-1 neCape Town City.

Mutizwa uyo akanwisa chibodzwa cheArrows asiiwa nechinodzwa chimwechete naGabadinho Mhango weOrlando Pirates uyo arikutungamira pazvibodzwa.

Kunyangwe hazvo vamwe vatambi vemunyika vakawanda vari kutatarika kuti varambe vari muAbsa League, vamwe vari kurwira kuti vapedze vari pazvidanho zvepamusoro.

NeMugovera, Kuda Mahachi na Onismo Bhasera, vakatambira chikwata chavo cheSupersport icho chinorairidzwa naKaitanoTembo wemuZimbabwe zvekare.

Supersport yakarohwa 2-1, asi vachiri nemaroto ekutora mukombe weligi.

Supersport ichiri pachinhanho chechina nemapoinzi makumi mana nemanomwe, mapoinzi matanhatu pasi pe Kaiser Chiefs iyo irikutungamira.

Vachitatisa zvaaita mukuronga kuSupersport, muteveri wenhabvu muZimbabwe VaWebster Chimusasa vanotarisira Tembo pamusoro-soro.

Kaiser Chiefs iyo iri pamusoro ine mapoinzi makumi mashanu mematatumushure mekurohwa kwavakaitwa 1-0 neBidvest mumutambo uyo Khama Billiart akatamba zvaiyevedza.

Willard Katsande aive pabonde akazopinda kwasara maminitsi gumi nemasere asi Dzukamanja akatamba mutambo wese ari kuBidvest.

Mumwe mutambi wemuno Gabriel Nyoni ari kutotsvaga basa mushure mekudzingwa neMaritzburg United kwete nekundikana asi nenyaya yaakapomerwa tekuita misikanzwa.

Mukutanga kwemwaka uno, Maritzburg United, yakadzinga zvekare Cuthbert Malajila, achipomerwa nyaya imwecheteyo yemisikanzwa.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG