Mutambi wetsiva ane mukurumbira Charles Manyuchi avimbisa kupunzira pasi Mohamed Sebyala wekuUganda nekusimbisa chitsidzo chake chekudzokera zvekare kutsiva yepamusoro - soro yeWorld Boxing Council.
Manyuchi ataurira vatori venhau vemitambo kuti Sebyala achawira pasi sezvakangoitawo vamwe vatambi vana avo vakashanya kuZimbabwe ndokutadza kupedza nharaunda dzakatarwa,
Achange achidzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation iro akatora muna Gunyana gore rapera pamwe nekurwira mukombe weWorld Africa Boxing Association.
Mutambi uyu anoti asarwa nemakore mashoma-shoma achiri munhandare zvekuti arikuda kushandisa nguva ino kurwa zvakasimba kuti adzokere kuWBC.
WBC ine chiremerera chakasimba kudarika mamwe mabhodhi ese anoita zvetsiva anoti WBF, WBA neIBF.
Asi Manyuchi anoti veruzhinji havana chekutya nekuregedza kwake tsiva kana nguva yacho yasvika sezvo abika vatambi vakawanda vane tarenda muCharles Manyuchi Academy avo vanokwanisa kupinda mutsoka dzake.
Manyuchi haasati amborohwa nemutambi wemuAfrica kubvira muna 2013 apo akatora mukombe weAfrica Boxing Union achirova Patrice Peko wekuBurkina Faso.
Muongorori wemutambo wetsiva VaGilbert Munetsi vanoti Sebyala ari kutevera munzira yaDirgo Gallardo wekuArgentina uyo Manyuchi akapunzira pasi munharaunda yechitatu.
Manyuchi haasati amborohwa zvekare kubvira apo akatanga kurwira muZimbabwe achibva kuZambia uko airwa ari pasi peOriental Boxing Promotions.
Mutambo naSebyala wave wechishanu waManyuchi muZimbabwe.
Facebook Forum