Accessibility links

Breaking News

Mitambo Yakawanda Inomiswa nePamusana peCoronavirus


Charles Manyuchi Boxer

Vateveri vemutambo wegorofu vachambomira kwechinguvana kuona gorofu yemhando yepamusoro zvichitevera kumiswa kwemakwikwi eZimbabwe Open nemhaka yechirwere cheCoronavirus, panguva imwe cheteyo, mutambo wetsiva waCharles Manyuchi wamirawo netambo.

Zimbabwe Open, iyo yanga ichifanirwa kuitwa muRoyal Harare Golf Club kubva musi wa 2 kusvika 5 Kubvumbi, yamiswa nemhaka yekutyirwa kupararira kwechirwere cheCoronavirus icho charovawo mitambo inoteverwa nechaunga pasi rese.

Izvi zvinotevera kumiswa kwaitwa mitambo yegorofu iyi pasi peSunshine Tour umo Zimbabwe iri nhengo.

Zimbabwe Open ndiwo mutambo mukuru wegorofu munyika uyo unounganidza shasha dzemutambo uyu kubva kumativi mana epasi rese.

Mukuru weZimbabwe Open, VaMichael Mahachi, vanoti havana zuva rekuti makwikwi aya achatambwa riinhi kana kuti achaitwa here gore rino here.

VaMahachi vanoti vachamirira kunzwa kuvatungamiri veSunshine Tour kuSouth Africa kuti zvinhu zvichafambiswa sei.

Asi mutambo weZimbabwe Open hausiriwo wega warohwa nechirwere cheCoronavirus pamitambo yemuZimbabwe.

Chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors nhasi mangwanani chabuda mukamba umo changa chiri kugadzirira makundano eCHAN ayo anga achifanirwa kuitwa muCameroon kubva musi wa 4 kusvika 25 Kubvumbi.

VeZifa havana kuzivisa kuti chikwata ichi chichaungana zvekare riinhi kuitira kuti chigadzirire makundano aya, ayo Zimbabwe iri mugungano rimwe chete neBurkina Faso, Mali neCameroon iyo iri pamusha.

Muteveri wemaWarriors, VaAlfred Mukuche, vanoti Cameroon iyi ndiyo yega iri kutyisa kumakwikwi aya sezvo iri pamusha payo.

MaWarriors anga ari mukamba kwemasvondo maviri kugadzirira makwikwi aya, ayo ari kuunganidza zvikwata gumi nezvitanhatu.

Makundano eChan aya ambomiswa neveConfederation of African Football, vachiti vachatsvaga rimwe zuva rekuti aitwe.

Zvichakafaro, dziviriro yaCharles Manyuchi yebhande rake reWorld Boxing Federation remiddleweight naMuhammed Sebyala wekuUganda, yamira netambo zvichitevera chisungo chaiswa nehurumende.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamisa mitambo neve kune dzimwe nyika pamwe nekuungana kwevanhu vanodarika zana.

Mutambo waManyuchi uyu, uyo wanga uchifanirwa kuitwa musi wa4 Kubvumbi, unopindawo pazvinhu zvambomiswa nehurumende semzira yekuedza kumisa kupararira kweCoronavirus.

Studio Seven haina kukwanisa kunzwa kuna Manyuchi nezvemutambo uyu. Asi neMuvhuro Manyuchi akavimbisa kuwisira pasi Sebyala.

Zimbabawe haisiriyo yega yambomisa zvemitambo nenyaya yechirwere ichi chanetsa ipasi rose.

Mitambo yakasiyana-siyana mune dzimwe nyika pasi rese, kusanganisira nhabvu munyika dzemuEurope, yambomiswawo izvo zvabatawo vanoita zvekubheja mitambo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG