Accessibility links

Breaking News

Zvikwata ZvaKhama Billiati naTino Kadewere Zvodadisa Mumitambo yeNhabvu


Khama Billiat kuAfcon, Egypt
Khama Billiat kuAfcon, Egypt

Kwakave nekufara, pamwe nekusuwa kuvatambi venhabvu vemuZimbabwe avo vakaita fararira pasi rese.

Willard Katsande naKhama Billiat vari murufaro mushure mekunge chikwata chavo cheKaiser Chiefs chawedzera hutungamiri hwacho pamusoro pegungano reAbsa Premiership nekukunda Polokwane City 3-2 nemusi weSvondo.

Kaiser Chiefs yave nemapoinzi makumi mashanu nemaviri, mapoinzi matanhatu pamusoro peMamelodi Sundowns yaPeter Ndlovu. Billiat naKatsande vakatamba mumitambo wakakosha uyu. Sundowns yakarowa 3-2 neCape Town City nemusi weMuvhuro.

Kupemberera kwaKatsande naBilliat kwatevera poindi imwechete yakatorwa nemurairidzi wemuno Kaitano Tembo apo chikwata chake cheSupersport chakaita mangane 1-1 neBloemfontein Celtic.

Kwasara mitambo mishanu kuti makundano aya apere. Tembo asimudza chikwata ichi zvinodakadza kubvira atambidzwa basa rehurairidzi mushure mekupedza makore akati wandei ari mutevedzeri wemurairidzi.

Mutsigiri wemutambo wenhabvu VaWebster Chimusasa vanoti varairidzi vemuno vakaita saTembo ndivo vanofanira kutambidzwa basa rekurairidza maWarriors.

KuFrance chikwata chaTino Kadewere cheLyon chakapinda muma semi fainari eUefa Champions League mushure mekurova Man City 3-1.

Lyon yave kusangana neBayern Munich neChitatu iyo yakazvambura Barcelona 8-2.

Parizvino, Kadewere ari muHarare umo ari kuchema mukoma wakePrince uyo akashaika svondo rapera.

Asi Knowledge Musona haana mufaro mushure mekunge AS Eupen yazvamburwa 4-0 neClub Brugge.

As Eupen yadzika kusvika pachinhanho chegumi neshanu kubva pachinzvimbo chepfumbamwe.

Musona uyo akatamba neClub Brugge akazobuditswa achitsiviwa naMatinez Diaz.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG