Accessibility links

Breaking News

Nakamba Otarisana neNguva Yakaoma muEPL


Marvelous Nakamba

Mutambi weZimbabwe ane mukurumbira Marvelous Nakamba atarisana nemasvondo mashanu akaomesesa muhupenyu hwake munhabvu, panguva iyo Knowledge Musona ar ikutsvagawo basa.

Nakamba uyo anotambira Aston Villa muEnglish Premier League atarisana nemutoro mukuru wekuedza kupunyutsa chikwata chake icho chatarisana nehondo yekuti chisabude muEPL.

Hupenyu hweAston Villa mugungano iri huri patambo sezvo chikwata ichi chiri pachinhanho chegumi nepfumbamwe, mugungano rine zvikwata makumi maviri.

Zvikwata zvitatu zvepasi ndizvo zvichabuda muEPL pachapera mitambo iyo ichatambwa kubva musi wa 17 Chikumi kusvika 25 Chikunguru.

Aston Villa ine mitambo neLiverpool, Chelsea, Man U, Arsenal, Sheffield United neWolves, idzo dzirikurwira zvinzvimbo zvekumiririra England muEurope gore rinouya.

Mune mimwe mitambo, Aston Villa irikusangana neNewcastle, Everton, West Ham ne Crystal Palace, idzo dzisinganyanyo vhundutsa.

Stewart Murisa uyo akambotambira, Caps United, Dynamos neHighlanders, anoti ane chivimbo chekuti Aston Villa inorarama sezvo isina kunyanyosiyana pamapoinzi nezvikwata zvakati wandei.

Bournemouth, Watford neWest Ham, dzine mapoinzi makumi maviri nemanomwe, mapoinzi maviri chete pamusoro peAston Villa.

Norwich iyo iri pasi pasi ine mapoinzi makumi maviri nerimwechete.

Asi Nakamba haasiriye ega ari panguva yakaoma sezvo kaputeni wemaWarriors, Knowledge Musona asati awana chikwata chekutambira.

Chikwata chake cheAnderlecht chazivisa kuti Musona haasisina nzvimbo muchikwata ichi vachiti ivo ngaatsvage basa kune imwe kambani.

Anderlecht yanga yamboendesa Musona kuAS Eupen uko akanwisa zvibodzwa zviviri asi chibvumirano chavo chakapera.

Mashoko arikufamba anoti Eupen yacho, pamwe neKaiser Chiefs neMamelodi Sundowns dzekuSouth Africa, dzirikumudawo, asi zvichienderana nekuti Anderlecht yacho irikuda marii pakumutengesa.

Musona naNakamba varikudiwa vaine pfungwa dzakagadzikana, apo Zimbabwe iri kusimudzira rwendo rwe 2021 Africa Cup of Nations ne 2022 World Cup.

MuWorld Cup, Zimbabwe iri mugungano rimwechete neGhana, Ethiopia neSouth Africa umo muongorori wemutambo wenhabvu VaTakudzwa Mushinga vanofunga kuti Zimbabwe ikakunda mumitambo yese yepamusha inobudirira.

Asi mutsigiri weCaps United VaPhillip Regede vanoti makundano maviri aya arikuda gadziriro yakasimba.

Zifa yave nemari kubva kuFIFA yekurongera maWarriors mitambo yekuedzana masimba ine mitsindo nedzimwe nyika

Mumakwikwi eNations Cup Zimbabwe irikusangana neBotswana, Zambia neAlgeria, iyo ine mukombe uyu.

Parizvino, Zimbabwe iri pachinho chechipi nemapoinzi mana, mapoinzi maviri pasi peAlgeria iyo irikutungamira gungano iri.

Botswana ine poindi imwechete asi Zambia haina kana poindi imwechete zvayo.

Asi mitambo iyi yakambomiswa pari zvino nekuda kwechirwere checoronavirus kunyangwe dzimwe nyika dzatanga kutamba nhabvu dzakaita seGermany.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG