Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveNhabvu zvekuEurope Zvoita Chipatapata Kuda Kutenda Vatambi vemuZimbabwe


Marvellous Nakamba
Marvellous Nakamba

Zvikwata zvepamusoro muEurope zviri kuita chipatapata kuda kutenga vatambi vemuZimbabwe panguva ino yekutengwa nekutengesa kwevatambi.

Mashoko ari kubva kuTurkey anoti zvikwata zvine mukurumbira munyika iyi Besiktas Trabzonspor zviri kurwira kutora Teenage Hadebe.

Hadebe anga achitambira Malatyaspor iyo yakabuda muTurkish Premier League kuenda kuDivision One.

Asi bepanhau rekuTurkey reTakvim rinoti Hadebe ari kuita hurukuro neBesiktas pamwe neTrabozonspor, zvichisarira kwaari kuti angasarudze chikwata chipi.

Trabzonspor ichange ichitamba muUefa Champions League mushure mekupedza iri pachinhanho chechipiri pasi peInstabul Basaksehir mumakundano emwaka uchangopera weTurkish Super League.

Trabzonspor inonzi iri kuda zvekare kutenga kana kukukumbira kuti Marvelous Nakamba amboitambira kwechinguva kana kuti loan kubva kuAston Villa.

Kunyange hazvo Aston Villa yaramba iri muEPL, Nakamba aitatarika mwaka wapera zvekuti hupenyu hwake muchikwata ichi huri patambo.

Mumwe mutambi weZimbabwe Warriors, McCaulley Bonne anonzi ari kudawo kutengwa nechikwata cheBurnley chiri mu English Premier League kubva kuCharlton Athletic kwaari kutambira.

Burnley iri kuda zvibodzwa kubva kunaBonne mushure mekupedza vari pachinhanho chegumi mwaka wapera.

Hadebe, Nakamba naBonne vari kudiwa kuti varambe vari munhabvu yepamusoro kuti vazobatsira chikwata chenyika mumakundano e2020 World Cup umo Zimbabwe iri mugungano rimwechete neSouth Africa, Ghana neEthiopia.

VaSam Hamandawana avo vaimboridza pembe muPSL vanoti veZifa vanofanira kurongera maWarriors mitambo yehushamwari kuti vajairane kana mitambo yadzoka mushure mekumbomiswa nemhaka yeCovid 19.

Mumakundano eAfcon Zimbabwe iri mugungano rimwechete neZambia, Algeria neBotswana, gungano iro vaPhillip Regede vanoti veZifa vanofanira kugadzirisa nyaya dzemari yevatambi kuti chikwata ichi chibudirire.

Pari zvino, Zimbabwe iri pachinhancho chechipiri nemapoinzi mana, mapoinzi maviri pasi peAlgeria asi mapoinzi matatu pamusoro peBotswana munzira yeAfcon 2021.

Mitambo yeAfcon neWorld Cup yakambomiswa kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19 icho charura pasi rese.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG