Accessibility links

Breaking News

PSL Yoranga Kuchinga Nguva Inotanga Mitambo yeNhabvu Munyika


Caps United
Caps United

Sangano rePremier Soccer League, PSL,rinoti riri kuda kushandura nguva inotanga mitambo yenhabvu munyika sezvinoitwa kune dzimwe nyika dzinotanga mutambo uyu muna Nyamavhuvhu.

Kwemakore makumi mana nhabvu yemuZimbabwe yanga ichiramba kuita shanduko ichitanga mitambo muna Kurume kusvika muna Mbudzi kwete kutanga muna Nyamavhuvhu kusvika muna Chivabvu sezvinongoitwawo kune dzimwe nyika pasi rese.

Asi vanoziva zviri kuitika muPSL vanoti chirwere cheCoronavirus ndicho chamanikidza shanduko mumaitiro aya zvekuti vanotungamira gungano iri vari kuda kuti mitambo yemuno itevere nzira yemitambo yepasi rese kutanga mwaka uno.

Zvikwata zvakatopedza kunyoresa vatambi vazvo vemwaka uno nePSL neChipiri kugadzirira kuzotanga kwemitambo.

Mukuru wekumahofisi ePSL, VaKennedy Ndebele, vanoti vari kutarisa nzira dzese dzinokwanisa kuti mitambo itambwe kusanganisira kutanga muna Nyamavhuvhu.

Asi VaNdebele vabuda pachena kuti pari zvino havakwanise kubuda nechisungo chakasimba chekutanga kwemitambo iyi sezvo pasina anoziva kuti Coronavirus iyi ichatisvitsa kupi.

Muna 1997 vePSL vakamboda kuita kuti mitambo iyi itange muna Nyamavhuvhu ichipera muna Chivabvu, asi zvakakona nekuti dzinhandare dzemuno dzaive dzisina zvekudhonzesa mvura zvakakwana kana kuchinge kwanaya.

Asi dzinhandare dziri kugadziriswa dzichitarisirwa kuve dzapera muna Nyamavhuvhu.

VaNdebele vanoti vachaita musangano sekanzuru yePSL kana zvinhu zvichinge zvajeka nezvechirwere ichi kuona kuti mitambo vanoifambisa sei.

Nhabvu pamwe nemimwe mitambo yese yakambomiswa nemhaka yeCoronavirus izvo zviri kunzi nemuteveri wemutambo uyu, VaJustice Muzanenhamo, zvinobatsira kuti chirwere ichi chisapararire.

Vachitarisa matengerwo anga achiitwa vatambi nezvikwata, muongorori wemutambo wenhabvu, VaKelvin Mushonga, vanoti mitambo ichanakidza zvikuru apo ichatanga.

PSL yakamirira kunzwa kune vanoipa mari veDelta Beverages kuti makwikwi emwaka uno achange aine mari yakawanda zvakadii.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG