Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoudza Zifa Gwara Rekutevedzera Kuitira Kuti Mitambo yeNhabvu Itambwe Munyika


Caps United
Caps United

Nyanzvi munyaya dzehutano munhabvu dzabuda negwara rezvinofanirwa kutevedzerwa nezvikwata kuti nhabvu idzoke pasina njodzi yekupararira kwehutachiona hwecoronavirus kuvatambi vebhora.

Mukuru wavanamazvikota ava, Dr Edward Chagonda, vanoti vaendesa zvavakabuda nazvo kuPremier Soccer League vaine tarisiro yekuti zvikatevedzerwa, mutambo uyu unodzoka zvekare munhandare.

VaChagonda nekomiti yavo vakapihwa basa rekubuda negwaro rine nzira dzinofanira kutevedzwa pahutano kuti nhabvu idzoke zvisina njodzi.

Komiti iyi inosanganisirawo zvekare Va Nicholas Munyonga avo vanotungamira zvehutano musangano reZimbabwe Olympic Committee.

Asi VaChagonda vanoti havakwanise kuudza veruzhinji zvavabuda nazvo sezvo zvichifanira kutanga zvasvitswa kuhurumende neveZifa.

VaChagonda vanoti vari kusangana neZifa mangwana apo vachasvitsa gwaro iri vaine chivimbo chekuti richange rave kuhurumende svondo rinouya.

Asi havana kuvanza kuti zvimwe zvezviri kudiwa kuongororwa kwevatambi kuti vane hutachiona hwecoronavirus here kana kuti kwete pamwe nezvimwe zvekuedza kudzivirira hutachiona uhu.

Nhabvu mune dzimwe nyika yave kutambwa asi muZimbabwe haisi pamitambo yakanzi idzoke ikozvino nehurumende nekuti ine kusangana kwakanyanya.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaTatenda Muchena, vanoti kana zvikaita sei nhabvu haifanire kudzoka musina vatsigiri vanenge vachiona mitambo sezviri kutika kune dzimwe nyika.

Mumwe muteveri wemutambo uyu, VaOliver Musongoro, vanoti vanononokerwa nemitambo sezvo gore rave kutopera mitambo isina kutambwa.

VaMusongoro vanoti nhandare dzemuno dzakakurisa kudarika vanhu vanopindamo zvekuti vanokwanisa kuona mitambo pasina njodzi yekutapurirana coronavirus.

Mitambo yakawanda muPremier Soccer League iri kutadza kukwezva vatsiri vanosvika mazana mashanu.

Asi mumwe muteveri wemutambo uyu, VaJustice Muzanenhamo, vanoti mitambo panguva ino, ine njodzi.

Zifa inoti iri kutarisira kuti zvinhu zvikafamba zvakanaka, nhabvu munyika ingangodzoka muna Gunyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG