Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yogadzirira Makwikwi e2020 Chans


Zimbabwe Warriors

Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chiri kupinda mukamba mangwana kutanga gadziriro yacho yemakundano e2020 Africa Nations Championships ayo ari kuitirwa muCameroon kubva musi wa 4 kusvika 25 Kubvumbi.

Vanotungamira nhabvu veZifa vatora yambiro yekuti chikwata ichi chinoda gadziriro yakasimba zvakadzama nekupa maWarriors nguva yakati wandei vari pamwe chete mukamba.

Iyi ishanduko huru kubva pane zvanga zvichiitika makore apfuura apo zvikwata zvenyika zvanga zvichiungana mazuva mashoma-shoma kwasara mitambo kana kuti makundano atanga.

Chimwe chiri kufadza ndechekuti kamba iyi haisi kuzokanganiswa sezvo mitambo yenhabvu yemunyika isati yatanga.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti veZifa vadzidza kubva mukukundikana kwekare.

Asi chave kudiwa sekutaura kwavaimbove mubati wepembe, VaSam Hamandawana, ndechekupa chikwata ichi mitambo yekuedzana masimba nezvimwe zvikwata zvakasimba seZambia neTanzania izvo zviri kuendawo kumakundano aya.

Murairidzi wemaWarriors, Zdravko Lugorusic, aunganidza vatambi makumi maviri nevanomwe avo vachadzikiswa kusvika pamakumi maviri nevatatu chikwata ichi chisati chasimuka .

Asi paita kunyunyuta kuti vatambi vakaita saRalph Kawondera uyo akatora chinhanho chechipiri pamakundano e2019 Castle Soccer Star of the Year haapo pavatambi vakasarudzwa ava.

Vamwe vatambi vakasarudzwa ndiPhineas Bhamusi, Partson Jaure, William Taderera, Ian Nekati, Prince Dube, Devon Chafa, Ishmael Wadi, Valentine Kadonzvo, King Nadolo, Juan Mutudza naKelvin Madzongwe.

Zimbabwe inofanira kubuda iri pazvikwata zviviri zvichange zviri pamusoro mugungano rezvikwata zvina rinosanganisorawo Cameroon, Burkina Faso neMali kuti ienderere mberi nemakwikwi aya.

Asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaAlfred Mukuche, vanoti Zimbabwe ingangovhundutswa neCameroon chete mugungano iri,

Asi VaKambamura vanoti Zimbabwe haifanire kudherera Mali neBurkina Faso vachiti munhabvu hamusisina zvikwata zvidiki semaroverwo akaitwa Liverpool neWatford.

Kubvira makundano aya avambwa muna 2009, Zimbabwe haisati yambodarika nharaunda yekutanga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG