Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muAmerica zvinoti zvichange zvichivhota musarudzo dzichaitwa nemusi weChipiri svondo rinouya sezvo zvave nekodzero yekuvhota muAmerica.
Vanhu vashanu vakafa nezuro nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana maviri nemakumi mana nevaviri.
Dunhu reMatabeleland South rinoona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere che Covid-19 zvichitevera kuwanikwa kwevamwe gumi nevanomwe vaine chirwere ichi mudunhu iri pavanhu vakavhenekwa nezuro..
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votaura nezvemamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Nation.
Mumwe munhu anofa nechirwere checovid-19 kuMatebeleland South.
Munhu mumwe chete ofa nechirwere cheCovid-19 muBulawayo apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuwedzera muguta iri.
Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere checovid-19 kuBulawayo hwowedzera. Ukuwo, pasi rose huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwodarika mamiriyoni makumi mana kana kuti 40 million.
Vaviri ava vaifanirwa kunge vakasangana mugakava, asi mushure mekunge VaTrump vazivisa musi wa 02 Gumiguru kuti vakanga vabata chirwere cheCovid-19, varongi vegakava iri vakaita kuti musangano uyu uchiitwa pachishandisswa zvivhitivhiti kana kuti virtual, asi VaTrump vakaramba kupinda mazviri.
Huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matatu nevaviri nechirwere ichi nezuro.
Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pazviuru zvinonwe nemazana mapfumbamwe negumi nevapfumbamwe, kana kuti 7, 919, zvichitevera kubatwa kwevanhu vana nechirwere ichi nezuro wekare.
Mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaMike Pence, vari kutarisirwa Chtatu manheru kutatsurana nevari kuda kuzoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vakamirira bato reDemocratic party, Senator Kamala Harris, mudhibheti ravo rekutanga.
Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pavanhu zviuru zvinonwe nemazana mapfumbamwe negumi nevashanu, kana kuti 7, 915, zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nevanomwe nechirwere ichi, munhu mumwe chete akafawo nezuro wekare.
Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pavanhu zviuru zvinonwe nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevasere, kana kuti 7, 898, zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nechirwere ichi nezuro wekare.
Dzimwe nhengo dzesangano reARTUZ dzichiratidzira murunyararo mumusha weMkoba 1 muGweru nhasi pakucherechedza zuva reWorld Teachers’ Day.Vhidhiyo ina Kudzanai Musengi.
Dhibheti rekutanga rakaitwa neChipiri manheru nevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri weAmerica, Va Donald Trump ve Republican Party, pamwe naVa Joe Biden ve Democratic Party, rinonzi idhibheti richapinda munhoroondo yeAmerica, sezvo rakanga risina kurongeka sezvaitarisirwa nevakawanda.
Dhibheti rekutanga pakati pemumiriri weDemocratic Party, VaJoe Biden, pamwe nemumiriri weRepublican Party, uye vari mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, rakatanga neChipiri manheru mu Cleveland mudunhu re Ohio.
Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana maasere ane gumi nevatanhatu, kana kuti 7,816 zvichitevera kubatwa kwevanhu vana nezuro wakar
Munyori wemabhuku ane mukurumbira pasi rose, Tsitsi Dangarembga, uyo ari kupomerwa mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo muna Chikunguru, mumwe wevanyori vemabhuku vatanhatu vari kukwikwidza mubairo we 2020 The Booker Prize for Fiction.
Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana manomwe ane makumi mashanu nevaviri, kana kuti 7,752 zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi maviri nevanomwe nezuro wakare.
Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pamazana maviri nemakumi maviri nevanomwe zvichitevera kushaya kwemunhu mumwe chete nezuro wakare
Rodhai zvimwe