Accessibility links

Breaking News

VaMike Pence veRepublican Party Votatsurana naAmai Kamala Harris veDemocratic Party Manheru eChitatu


Mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaMike Pence, vari kutarisirwa Chtatu manheru kutatsurana nevari kuda kuzoitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vakamirira bato reDemocratic party, Senator Kamala Harris, mudhibheti ravo rekutanga.

Gakava pakati paVaPence naAmai Harris riri kuuya panguva iyo mutungamiri weAmerica, pamwe nevamwe vevavanoshanda navo, kumuzinda weWhite House vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Dhibheti iri riri kukokerwa nemutori wenhau, Susan Page, uyo anoshanda neUSA Today.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Dr Moses Rumano, vanoti gakava pakati pevaviri ava rakatarisirwa neveruzhinji kuti riburitse gwara re America panyaya dzezvehupfimi, nyaya yerusarura ganda pamwe nechirwere cheCovid-19.

"Vazhinji vachada kunzwa kuti vaviri ava vachabata seyi nyaya yehupfumi hwenyika sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa panguva ino yeCovid-19." Doctor Rumano vaudza Studio7.

Dhibheti raVaPence naAmai Harris riri kuitika svondo rimwe chete mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vaitawo gakava ravo nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye vari mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden.

Dhibheti revaviri ava rinonzi nevakawanda harina kuvafadza sezvo mativi ose apindira panguva iyo mumwe aive nemukana wekutaura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG