Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 09, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matatu nevaviri nechirwere ichi nezuro.

Vane dzimba nemabhizinesi akavakirwa mumatoro pamwe nenzvimbo dzisiri pamutemo voyambirwa nemakanzuru eHarare neChitungwiza kuti zvivakwa zvavo zvichaputswa chero nguva.

Varairidzi vakawanda vanoti vari kushamiswa zvikuru nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti hurumende yavo haisi kuzomanikidzwa kuita zviri kudiwa nevarairidzi vasiri kuenda kumabasa uye inogona kudzinga basa varairidzi ava.

Botswana yochema chema nevasungwa vekuZimbabwe vari kuramba kudzoserwa kuZimbabwe kuitira kuti vanopika vari kunyika yavo vasungwa ava vachiti majere emuBotswana ari nani zvikuru pane majere ekuZimbabwe.

Sangano reWorld Food Program rinowana mubairo weNobel Peace Prize semuremekedzo webasa riri kuitwa nesangano iri pasi rose mukubatsira vanhu nechikafu

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe nepasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG