Vanhu vashanu vakafa nezuro nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana maviri nemakumi mana nevaviri.
Nhengo dzeparamende dzinopikisa dzinosvika zana dzochema chema nekunonoka kupera kwenyaya yadziri kupomerwa yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Muzvinabhizinesi uye vari nhengo yeZanu PF, Muzvare Henrietta Rushwaya, votarisirwa kumira pamberi pedare redzimhosva zvichitevera kusungwa kwavakaitwa vachida kubuda munyika negoridhe rinorema makirogiramu matanhatu.
Dambudziko remvura ronetsa zvikuru muguta reHarare panguva iyo kanzuru iri kukwidza mitero yemvura kutanga mwedzi unoya.
Zimra inoti yakawana mari inodarika zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana pamari yanga ichitarisirwa kuwanikwa neZimra muchikamu chechitatu chepagore.
Premier Soccer League inoti vatsigiri venhabvu havasi kuzotenderwa mudzinhandare pamitambo yeBio Bubble tournament iyo iriko mwedzi unotevera.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum