Accessibility links

Breaking News

Imwe Nyanzvi Inoti Haina Kufadzwa neDhibheti raVaTrump naVaBiden


The first U.S. presidential debate
The first U.S. presidential debate

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika inoti dhibheti rekutanga rakaitwa neChipiri manheru nevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri weAmerica, Va Donald Trump veRepublican Party, pamwe naVa Joe Biden veDemocratic Party, idhibheti richapinda munhoroondo yeAmerica, sezvo rakanga risina kurongeka sezvaitarisirwa nevakawanda.

Nyanzvi dzaitevera dhibheti iri dzinoti hadzina kufara zvikuru nematauriro emutungamiri wenyika pavakanzi vabude pavamire panyaya yerusarura, uye kupindira kwavaiita nguva zhinji apo VaBiden vainge vapihwa mukana wekutaura nemukokeri wedhibheti iri, Chris Wallace weFox News.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Dr Chipo Dendere, vanoti kukandirana makobvu nematete kwakange kuchiitika pakati paVaTrump naVaBiden kwakakanganisa dhibheti iri sezvo zvinhu zvizhinji zvingadai zvakazeyiwa zvine mutsindo, zvisina kuzonyatsobuda zvakanaka.

Dr Dendere vanoti vari kuwona mamwe madhibheti maviri asara achienderera mberi nenzira imweyo asi chakanyanya kuvakatyamadza inyaya yekusatambirwa kwezvichabuda musarudzo kwakaburitswa pachena naVaTrump kana vakakundwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Dr Dendere vanoti nyaya imwe iri kunetsa inyaya yekushandiswa kweposvo mukutumirwa kwemavhoti iyo VaTrump vakati yakanga isina kurongeka uye ichiita kuti sarudzo dzibiridzirwe.

Asi VaBiden vakatora mukana uyu kukurudzira vanhu vemuAmerica kuti vavhote nechimbi chimbi sezvo vhoti yavo yakakosh.

Asi VaTrump vakaramba vakatsika madziro vachiti havana chivimbo chekuti mavhoti aya achange akachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


"Nyaya yerusarura ganda nekushungurudzwa kwevatema nevachena ndiyo imwe ichanetsa sezvo takawona VaTrump vachiramba kushora mamwe masangano echichena anogara akashungurudza vanhu vatema. Ukuwo VaBidden vakaratidza kuti vanonzwisisa zviri kusangana nevatema asi vaviri ava vese vanofanirwa kusimbaradza rutsigiro rwavanopa zvinetswa zvinosangana nevatema," vadaro Dr Dendera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG