Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri , Gumiguru 20, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Munhu mumwe chete ofa nechirwere cheCovid-19 muBulawayo apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuwedzera muguta iri.

Muparamende moita kukandirana makobvu nematate pakati pasachigaro wekomii yezvekurima VaJustice Wadyajena negurukota redunhu reManicaland Amai Ellen Gwaradzimba nenyaya yemwana wavo ari kupomerwa mhosva yekutora purazi rekofi nechikiribidi.

Vagari vekuMasvingo voendesa kanzuru yavo kumatare vachiipomera mhosva yekusamisa vanhu vari kuchera goridhe voisa hupenyu hwavo munjodzi.

India yorambidza murairidzi weZimbabwe Cricket kuenda kuPakistan kune mitambo yeCricket pakati peZimbabwe nePakisan.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vokwenenzvera bhajeti ravo regore rinouya.

Muchirongwa cheVechidiki cheThe Connection na8pm nhasi tiri kutarisa nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19 nemamwe matambudziko ari kusangana nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG