Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 29, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazviuru zvinomwe nemazana maasere ane gumi nevatanhatu, kana kuti 7,816 zvichitevera kubatwa kwevanhu vana nezuro wakare.

Botswana inowedzera nemwedzi mitanhatu kuvharwa kwenyika iyi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Varairidzi vakawanda vanopinda muzuva repiri vasingaendi kumabasa vachiti havana mari dzekufambisa pamwe nezvikwanisiro zvekushandisa vari kumabasa avo.

Makakatanwa ekurwira muzinda weMorgan Tsvangirai House oenderera mberi muHarare

Hurumende iri kutarisirwa svondo rinouya kuti itange kuzeyazve chikumbiro chevashandi vayo chekuti vabhadharwe mari dzavanotambiriswa nemadhora ekuAmerica sezvo dhora remunyika risina kusimba uye vakawanda vave kutengesa zvinhu nemari yekunze.

Asi vakuru muhurumende vanoti dhora remunyika riri kusimba nekudaro hapana chikonzero chekubhadhara vashandi nemari yekunze.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG