Accessibility links

Breaking News

Tsitsi Dangarembga Okwikwidza Mubairo weThe Booker Prize for Fiction


L'auteur zimbabwéen Tsitsi Dangarembga est photographié à la foire du livre de Francfort à Francfort-sur-le-Main, dans l'ouest de l'Allemagne, le 12 octobre 2018.

Munyori wemabhuku ane mukurumbira pasi rose, Tsitsi Dangarembga, uyo ari kupomerwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo muna Chikunguru, mumwe wevanyori vemabhuku vatanhatu vari kukwikwidza mubairo we 2020 The Booker Prize for Fiction.

Dangarembga akaburitsa bhuku rinonzi This Mournable Body iro riri kukwikwidza mubairo we Booker Prize.

Vamwe vari kukwikwidzana naDangarembga ndiDiane Cook (USA) The New Wilderness; Brandon Taylor (USA) Real Life; Avni Doshi (USA) Burnt Sugar; Maaza Mengiste (USA/Ethiopia) The Shadow King; naDouglas Stuart (Scotland/USA) Shuggie Bain.

Mabhuku anopinda mumakwikwi aya anofanirwa kunge akabuda pakati pa Gumiguru 1, 2019 na Gunyana 30, 2020.

Mubairo uyu unopihwa gore rega rega kumunyori ane bhuku rinokunda mamwe ose akanyorwa mururimi rweChirungu uye rikadhindwa muUnited Kingdom, kana kuti muIreland.

Achawana mubairo we zviuru makumi mashanu zvemapaunzi ekuBritain achaziviswa musi waGumiguru 27, 2020, uye vakadomwa kukwikwidza makwikwi aya vanowana zviuru zviviri nemazana mashanu emapaunzi ekuBritain pamunhu.

Dangarembga, uyo ane rimwe bhuku rakaita mukurumbira rinonzi Nervous Conditions, anoti bhuku rake riri kukukwikwidza mubairo we Booker Prize, rinotaura nezvenhorowondo yemumwe mudzimai mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga.

Dangarembga akawana mubairo weCommonwealth Writers' Prize muna 1989 nebhuku rake Nervous Conditions.

Bhuku rake rechipiri rinonzi The Book of Not iro rakadhindwa muna 2006, uye rechitatu riri This Mournable Body.

Dangarembga anoti kunyange hazvo aine shuviro yekuti ape dzidziso yehunyanzvi hwake mukunyora mabhuku, haasati ambokokwa kuti aite izvi munyika asi kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG