Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China , Gumiguru 22, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votaura nezvemamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Nation.

America inoti Zimbabwe iri kupedza nguva ichibatana neSADC kuti zvirango zvibviswe iyo isiri kuita zvayakanzi iite zvekuremekedza kodzero dzevanhu.

Zimbabwe Election Support Network yokurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu nekuita sarudzo.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nevavari kukwikwidzana navo VaJoe Biden nhasi voita gakava ravo rekupedzisira pamberi pesarudzo dzemutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheWomens’ Round Table na8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yekushungurudzwa kwemadzimai munguva ino yeCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG