Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu , Gumiguru 23, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dunhu reMatabeleland South rinoona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere che Covid-19 zvichitevera kuwanikwa kwevamwe gumi nevanomwe vaine chirwere ichi mudunhu iri pavanhu vakavhenekwa nezuro..

Nhengo dzesangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC dzakurudzirwa kuti dzisabate vanhu vanobva kune dzimwe nyika asi vachigara munyika dzavo nekunze kwemaoko nokuti kushandidzana ndiyo nzira chete ingabatsira mukupedza denda reCOVID-19.

Bato reZAPU rinoti kuitwa kwegungano revaimbi rekukurudzira kubviswa kwezvirango kana kuti anti-sanctions gala pamwe nekucherechedzwa kwezuva reAnti-Sanctions Day kurasa mari uye mucherechedzo wekutadza kwehurumende kuziva zvinhu zvakakoshera nyika.

Vagari vemudhorobha reMasvingo vochema-chema kuti mitengo yezvinhu, kunyanya chikafu, yakakwira zvisingaiti muzvitoro apo hurumende iri kuti mamiriro ehupfumi hwenyika hwaka gadzikana.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nevavari kukwikwidzana navo VaJoe Biden nhasi vaita gakava raburitsa pachena kusiyana kwematanho avachatora mukurungamira nyika musarudzo dzemutungamiri wenyika dziriko musi wa3 Mbudzi.

Munhau dzemitambo, vateveri vemitambo havasi kufadzwa nemabatirwo avanoti ari kuitwa zvikwata zvemitambo zvevanhukadzi, izvo zviri kusimudza mureza wenyika mudenga apo zviri kukwikwidza kune dzimwe nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG