Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu , Gumiguru 21, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mumwe munhu anofa nechirwere checovid-19 kuMatebeleland South.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti zvichanetsa kuti Zimbabwe ikwanise kudzosa kumusha vaive makurukota ehurumende VaSavior Kasukuwere, VaJonathan Moyo naVaWalter Mzembi avo vari muhupoteri kuSouth Africa neKenya.

Vanhu vopisirwa dzimba papurazi ravaphilip chiyangwa pedyo nechinhoyi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zvobatsira nekupa mazano kune vamwe vanoda kuforera magwaro ekugara nekushanda muAmerica pasi pechirongwa cheDiversity Visa. Chirongwa ichi chinoitwa gore roga roga uye gore rino chakavhurwa musi wa 07 Gumiguru chichi vharwa musi wa 10 Mbudzi.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum na8pm nhasi tiri kutarisa nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19 uye hurongwa hweZimbabwe hwekida kudzosa munyika vaive makurukota ehurumende, VaSavior Kasukuwere, VaJonatha Moyo uye VaWalter Mzembi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG