Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pamazana maviri nemakumi maviri nevanomwe zvichitevera kushaya kwemunhu mumwe chete nezuro wakare
Dare ramajisitireti rinotura mutongo wekuti mumiriri weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, vadzoserwe mujeri kuitira kuti vaongororwe pfungwa dzavo vakamirira kutongwa.
Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti riri kurasikirwa nevarairidzi vari kusiya basa vazhinji vavo vachienda kuMiddle East kunotsvaga mafuro manyori.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa nhasi manheru kutaura pamusangano weUnited Nations General Assembly, asi vari kuZimbabwe sezvo vatungamiri vakawanda vari kunyika dzavo nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Vagari vekuMasvingo vanonyorera kanzuru yavo kuti ibvise hurongwa hwekuvapa mvura kwemazuva maviri pasvondo vachiti izvi kuri kuisa hutano hwavo munjodzi yezvirwere.
Veruzhinji pamwe nevemabhizinesi votambira nekusuwa kukwidzwa kwakaitwa mitero yemagetsi nekambani yemagetsi munyika, yeZimbabwe Elecricity Supply Authority.
Studio7 inoita hurukuro nemunyori ane mukurumbira munyika, Tsitsi Dangarembga, uyo ari pavanhu vashoma vakadomwa kukwikwidza mubairo we 2020 International Booker Prize.
Muchirongwa cheWomen’s RondTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum