Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro , Gumiguru 19, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere checovid-19 kuBulawayo hwowedzera. Ukuwo, pasi rose huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwodarika mamiriyoni makumi mana kana kuti 40 million.

Meya weguta reKariba okonzera mutauro nekupinda muchirongwa cheWFP chekubatsira vanoshaya.

Judiciary Services Commission yotarisirwa kudoma chikwata chevanhu vatatu chekuferefeta mumwe mutongi wedare repamusoro Amai Erica Ndewere varikupomerwa mhosva yekutadza basa asi ivo vachiti mukuru wematare ari kutyora mutemo.

Vamwe vagari vekwaMutare vochema chema nekuwedzerwa kwemitero nekanzuru yavo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm nhasi tiri kutarisa nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG