Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Dhibheti Pakati paVaJoe Biden naVaDonald Trump Roodza Moyo Vakawanda

Trump Biden Debate

Dhibheti rekutanga pakati pemumiriri weDemocratic Party, VaJoe Biden, pamwe nemumiriri weRepublican Party, uye vari mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, rakatanga neChipiri manheru mu Cleveland mudunhu re Ohio.

Trump Debate
Trump Debate

Vaviri ava vakatatsurana pamusoro pe Covid 19, hupfumi hwenyika, kugadzwa kwemutongi wedare repamusoro soro, nyaya yerusarura nezvimwe.

Dhibheti iri nderekutanga pamadhibheti matatu achaitwa pakati pevaviri ava, uye raikokerwa nemutori wenhau mukuru wenhepfenyuro yeFox News, Chris Wallace.

Vachitaura mudhibheti iri, VaBiden vakaburitsa hurongwa hwavo hwekusimudzira hupfumi hwenyika vakati chirwere cheCovid-19 chinofanirwa kurwiswa sezvo chiri kubata vatema vazhinji venyika ino.

Joe Biden Presidential debate
Joe Biden Presidential debate

VaTrump vakatiwo vakaita zvirongwa zvepamusoro soro uye dai VaBiden vari ivo vange vari kutonga, kwakatofa vanhu vakawanda zvikuru kudarika vafa pari zvino.

Panyaya yekudoma mutongi wedare repamusoro soro, Va Trump vakati ikodzero yavo kudoma mutongi uyu nechimbi chimbi sezvo vari ivo mutungamiri wenyika pari zvino.

Asi VaBiden, avo vakambove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica kwemakore masere, vakati veruzhinji vanofanirwa kupihwa mukana wekudoma mutongi wedare repamusoro soro mutsva kwete kuti zviitwe zvechimbi chimbi.

Mutongi uyu anofanirwa kutsiva Amai Ruth Bader Ginsburg, avo vakashaya nechirwere chegomarara svondo rapera.

Panyaya yehupfumi VaTrump, avo vaipindira nguva zhinji apo VaBiden vaitaura, vakati vakaita zvinhu zvikuru pakusimudzira hupfumi hwenyika.

Asi izvi zvakashorwa naVaBiden vachibata matadziro ari kuita hurumende yaVa Trump kubva zvavasarudzwa musarudzo ya 2016.

Mukokeri wedhebheti iri akanga ari panguva yakaomarara sezvo vaviri ava vakanga vasingatevedzeri gwara rakawiriranwa pahurongwa uhu.

Asi veruzhinji vanoti VaTrump ndivo vakanyanya kusateerera zvaitaurwa naWallace vachiramba vachitaura apo VaBiden vaipa maonero avo.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paFriends University kuKansas, Dr Moses Rumano, vanoti havana kufara nemaitiro aVaTrump mudhibheti iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvitarisira Kuvhota Musarudzo

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zvakatarisira kuvhota musarudzo dzichange dziriko nemusi wechipiri dzekutsvaga mutungamiri mutsva pakati pava Donald Trump ve Republican Party naVa Joe Biden ve Democratic Party.

Pastor Rebecca Makayi vekereke yePraise Covenant International Church, avo vari kuMinnesota, vanoti vari kukurudzira vatendi kuti vabude vachinovhota nehuwandu hwavo svondo rinouya. Vanoti vakatanga kunamatira sarudzo idzi kare uye vane tarisiro yekuti Mwari vachaita kuda kwavo.

Pastor Rebecca Makayi
Pastor Rebecca Makayi

Vanotiwo pane zvizhinji zvinokwanisa kudzidzwa ne Zimbabwe kubva pane zviri kuitika muAmerica pamusoro pemafambisirwo esarudzo nekuremekedzana kwevanokwikwidza.

"Tinowona kuti vanhu vanobvumidzwa kutsvaga rutsigiro vakatambanuka muno muAmerica pasina vanotyorerwa kodzero dzavo uye vemapato vanoremekedza bumbiro remutemo renyika yeAmerica mune zvese zvavanoita. Dai izvi zvikaitwawo muZimbabwe,"Pastor Makayi vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaTrump Vanonzi Vane Rutsigiro Rwakawanda Mudunhu reOklahoma

Vanhu vanopfuura makumi manomwe nemaviri emamirioni vakatovhota muAmerica.

America yasarirwa nemazuva mashanu kuti ipinde musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Sarudzo ichaitwa svondo rinouya, musi wa 3 Mbudzi. Nhasi tinoenderera mberi tichitaura nezvizvarwa zve Zimbabwe zvinogara muAmerica kuti tinzwe maonero avanoita sarudzo idzi.

Parizvino vanhu vanopfuura mamirioni makumi manomwe nemaviri vatovhota musarudzo idzi. Zviri kutarisirwa kuti panosvika zuva rekuvhota nemusi weChipiri svondo rinouya, zana remamirioni evanhu rinenge ravhota.Izvi zvinonzi hazvisati zvamboitika kuchinzi zviri kukonzerwa nechido chevanhu kuti vavhote nekuti vanoda kuti manzwi avo anzwikwe.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu re Oklahoma, Tafadzwa Munjanja, chinoti zvinoita sekuti vachena vazhinji mudunhu iri vanotsigira VaTrump asi vachiti VaJoe Biden vakasimbavo zvikuru zvekuti vanogona kukunda mudunhu iri.

VaMunjanja vanoti pane mamwezve mapato asinganyanyi kuzikanwa ari kukwikwidzavo, anosanganisira reavo vakazvimirira, vakaita se muimbi ane mukurumbira, Kanye West.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvovhota Musarudzo Dziri Kuitwa muAmerica

Early voting surges ahead of 2020 election

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muAmerica zvinoti zvichange zvichivhota musarudzo dzichaitwa nemusi weChipiri svondo rinouya sezvo zvave nekodzero yekuvhota muAmerica.

Musi uyu mamiriyoni nemamiriyoni evanhu achange achivhotera mutungamiri wenyika waanoda pakati pemutungamiri weAmerica pari zvino, VaDonald Trump vebato reRepublican Party, pamwe nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden veDemocratic Party.

Muzvare Tafadzwa Matinenga, avo vanogara mudunhu reVirginia, vanoti munhu agara achitsigira bato reDemocratic Party sezvo richikoshesa kodzero dzevabvakure vari kushanda nekugara muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaTamuka Gwatidzo, avo vanogara kuGeorgia, vanoti vachange vachivhotera bato reRepublican Party sezvo hurongwa hwaVaTrump huchiremekedza zvavanowirirana nazvo zvekurambidza kubviswa kwepamuviri nezvimwe zvavanoti zvakanakira vanhu vatema zviri kuitwa nebato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Muzvare Tafadzwa Matinenga Vanoti Vachavhotera VaJoe Biden veBato remaDemocrats

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Muzvare Tafadzwa Matinenga Vanoti Vachavhotera VaJoe Biden veBato remaDemocrats
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe VaTamuka Gwatidzo Vanoti Vachavhotera VaDonald Trump vemaRepublicans Uye Vanoona Vachikunda

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe VaTamuka Gwatidzo Vanoti Vachavhotera VaDonald Trump vemaRepublicans Uye Vanoona Vachikunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG