Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 06, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pavanhu zviuru zvinonwe nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevasere, kana kuti 7, 898, zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nechirwere ichi nezuro wekare.

Bato reMDC Alliance rinokunda MDC-T musarudzo dzemameya kuGwanda nekuBeitbridge.

Varairidzi vokurudzira kuti vabereki vasaendese vana vavo kuzvikoro panguva iyo varairidzi vari kuramba kudzidzisa vachiti hurumende itange yagadzirisa zvichemo zvavo.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti chirongwa chavo cheTransitional Stabilization Program chavakaparura makore maviri apfuura kuitira kudzikamisa hupfumi, chabudirira zvoonekwa nekugadzirwa kwezvivakwa uye mabasa ekubatsira vanoshupika. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe ichiri murima

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG