Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro Manheru kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika huchiri pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224, ukuwo vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nevasere, kana kuti 7,598.