Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 02, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa munyika nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pamazana maviri nevatatu, kana kuti 203, mushure mekushaya kwemunhu mumwe chete nezuro wakare.

Zvikamu makumi matatu kubva muzana zvevana vari kuberekwa pachipatara cheChinhoyi Provincial Hospital vanonzi vari kuberekwa nguva yavo isati yakwana.

Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso inosvika makumi mashanu ezviuru zvemadhora emaRTGS, kana kuti 50,000 RTGs, uye vanonzi vashandise social media.

Ukuwo mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, apihwa mukana wekubvisa zviuru gumi zvemadhora, kana kuti 10,000 RTGS, semari yechibatiso

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko votashurana pamusoro pehutungamiri hwesangano ravo vamwe vachiti havachina chivimbo nahwo.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nemudzidzisi ari muno muAmerica pamusoro pehurongwa hwekudzidza nekudzidzisa hwakatangwa nezvikoro zvakawanda muno kotoro ino huchiitwa pamadandemutande, kana kuti virtual classroom.

Aimbotambira maWarriors uyezve akabatsira Dynamos kupinda mufainari ye1998 Caf Champions League, Harlington Shereni, anoti vatambi vemaWarriors vanofanira kuisa pfungwa dzavo dzese pamitambo yavo vozochema zvemari kana vapedza basa ravanenge vapihwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG