Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa munyika nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pamazana maviri nevatanhatu, kana kuti 206, mushure mekushaya kwevanhu vatatu nezuro wakare.
Kanzura weMDC Alliance, VaJacob Mafume, vanosarudzwa kuva meya mutsva weguta reHarare vachitora basa rakasiyiwa naVaHerbert Gomba.
Hurumende inopa makambani ekuChina marezenisi ekuchera marasha muZimbabwe.
MDC Alliance inoti haisi kufara kuti hurumende yakaumba chibvumirano chekuripa vachana mapurazi avo akatorwa nehurumende nemari inoita mabhiriyoni matatu nemazviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica paramende isina kusumwa nyaya iyi.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvinoreva kupindira kwaita bato reAfrican National Congress rekuSouth Africa mumatambudziko ari muZimbabwe.
Hurongwa hwekuunganidza ropa mudura reNational Blood Transfusion Services hwovhiringwa nechirwere cheCovid-19
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisazvipingaidzo zviri kusangana nevanhukadzi munyaya dzakawanda mukurarama kwavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum