Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira kusvika pazana nemakumi manomwe nevapfumbamwe zvichitevera kufa kwevanhu gumi nevatatu nezuro wakare.
Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari munin’ina waVaItai Dzamara, avo vakapambwa vakatsakatika makore mashanu apfuura, Va Patson Dzamara, vanochemwa muHarare mutumbi wavo usati waendeswa kunoradzikwa kumusha kwavo kwaMutoko.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura pamusoro pezviri kuitika kumusangano mukuru weRepublican National Convention.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzozeya kunyimwa kuri kuitwa vanhu mukana wekubhadhara mari dzechibatiso pamhosva dzavari kupomerwa pakatariswa kodzevanhu dzakachengetedzwa mumbiro remitemo yenyika.
Masangano anoona nezvekufambiswa kwesarudzo okurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti imbomira kuenderera mberi mazita evanhu vachatsiva nhengo dzeparamende dzakadzingwa mudare iri neMDC-T, achiti panofanirwa kutanga pagadziriswa gakava riri mubato reMDC.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzekurwisa Covid-19 munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum