Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 09, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakasvika pavanhu mazana maviri negumi nevasere, kana kuti 218, zvichitevera kufa kwevanhu vasere nezuro wekare.

Bato riri kutonga kuSouh Africa, re African National Congress, rinoswera richiita misangano neZanu PF, ANC ichiti ichazodzoka kuzoita misangano nemamwe mapato ezvematongerwo enyika, asi rwendo rwuno iri kusangana neZanu PF chete.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvinoreva rwendo rwe ANC kuZimbabwe

Vakoti vanga vachiramwa mabasa vanodzokera kubasa mushure mekuvimbiswa negurukota rezvehutano, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, kuti zvichemo zvavo zviri kugadziriswa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG